Uncategorized

Mbudzi 100 mukombi 2

06 Apr, 2018 - 00:04 0 Views
Mbudzi 100 mukombi 2 Mbudzi

Kwayedza

Kingstone Mapupu
MBAVHA dzinorura dzinonzi dzakaba mbudzi 100 husiku humwe chete kwaMurambinda, kuBuhera, inova nyaya yasiya vagari veko vazere nekushushikana zvose nekutya kukuru.

Mbudzi idzi dzinonzi dzakabiwa dzose chipo chepakati pehusiku ndokutakurwa nemakombi maviri.

Vamwe vevanhu vanonzi vakaona mbudzi idzi dzichibiwa vakatya kubuda pachena kusvikira dzakapera kutorwa.

Nzvimbo yakatorerwa mbudzi dzevanhu vakasiyana idzi iri padyo nerimwe bhawa riri paMurambinda groth point apo dzinonzi dzairara paruware.

Vakaona izvi zvichiitika vanoti mbavha idzi dzakasvika panzvimbo iyi nemakombi maviri, ndokuvheneka zvipfuyo izvi nemwenje wemota izvo zvakaita kuti mbudzi dzidzimaidzwe kuona zvikaita nyore kudzibata.

VaChatsva

Mutevedzeri wemutauriri wemapurisa kudunhu reManicaland, Assistant Inspector Luxson Chananda, vanoti vanoda nguva yekuronda mafambiro ari kuita kuferefetwa kwenyaya iyi.

“Regai ndinotaura nevamwe vangu mapurisa ikoko tigonzwa kuti nyaya iyi yakafamba sei nekuti muhofisi medu hatisati tava nawo mapepa anotsanangura zvizere nezvenyaya iyoyi,” vanodaro.

Muzvinabhizinesi ane mukurumbira munzvimbo yeMurambinda, VaJames Munatsi (50) asi vachinyanya kuzivikanwa nekuti VaChatsva, vanoti vane dzavo mbudzi 12 dzaiva mukati medzakabiwa idzi.

“Pane ruware pedyo nebhawa rangu apo mbudzi dzemumisha iri pedyo nedmabhizinesi ano dzinorara dzichitsvaga kudziirwa uye nzvimbo yakachena.

Asst Insp Chananda

“Takaona mwenje wemagetsi emota pakati pehusiku apo ndakadongorera ndikaona paine makombi maviri umo dzaibatwa dzichiiswa nevanhu vechirume,” vanodaro VaChatsva.

Muzvinabhizinesi uyu anoti pambudzi dzake dzakabiwa, nhanhatu dzacho dzaiva nemazamu.

VaChatsva vanoti mumwe akabirwa mbudzi ndiMbuya Mutetwa avo vane chitoro paMurambinda uye vanonzi vakamuka vachida kutarisa hanga dzavo dzaichema apo vakazoona mbavha dzichiisa mbudzi mumakombi asi ndokutya kushevedzera.

“Mbuya Mutetwa vakamukawo vakazviona, mbudzi dzikatotakurwa. Mushure memazuva mashoma, makororo akauyazve akaba magirosari nezvimwe muchitoro chaMbuya Mutetwa ndokuzvitakura nekombi. Tave kutotya sezvo mbavha idzi dzisiri kuratidza kumira, kana mombe dzapera kubiwa,” vanodaro.

Kwayedza haina kukwanisa kutaura naMbuya Mutetwa nevamwe vanonzi vakabirwawo mbudzi.

VaChatsva vanoti vari kuronga kumutsiridza hurongwa hwekuva nemapurisa emumisha e”Neighbourhood Watch Committee” kuitira kuchengetedza zvipfuyo nemabhizinesi avo kumbavha.

“Taimbova nemapurisa emimisha kare asi nekubirwa uku, zvakakodzera kuti timutsiridze chirongwa ichi nekuti tinogona kusara tisisina chinhu muno nekuda kwemakororo aya,” vanodaro VaChatsva.

Mbavha dziri kurozha vanhu idzi dzinofungidzirwa kuti dzinonotengesa mbudzi nemombe kumaguta akaita seHarare nekune dzimwe nzvimbo.

KuBuhera mbudzi inotengwa nemutengo uri pakati pe$15 kusvika $40 zvichisiyana nehukuru hwayo.

 

Share This:

Sponsored Links