Mbudzi inodyira payakasungirwa!

21 Oct, 2016 - 00:10 0 Views

Kwayedza

VEDUWE-E, izvi zvanyanya. Tinozviziva kuti mbudzi inodyira payakasungirirwa, asi ngatibvunze vamwe vedu kuti vakasungirirwa pamatanda enyika dzokumadokero here, tibva taziva kuti ndipo pane ufuro hwavo, pavanogutira! Kana kuti imbudzi dzakaisa misoro mumagaba?

Makamboona mbudzi ine manyemwe, mbudzi inokara inofunhidza zvese zvese ichifunga kuti pane chikafu, inopedzisira yasvika pane gaba, pamwe range riine masese.

Inotoda kuti ipinze musoro mugaba imomo yoona kuti munei. Pakuzoburitsa musoro ndipo pane nyaya, nokuti nyanga dziya dzambokwanisa kupinda, dzinenge dzave kuramba kubuda mugaba.

Unoona heyo-o ichingotenderera, kunge yakadhakwa, ichirovera musoro pese-pese, iwo musoro urimo mugaba.

Munoinzwira tsitsi nerumwe rutivi muchifa nokuseka bhaisikopo ramahara. Papera chinguva, vakuru vanozoti batai mbudzi mubvise gaba.

Kubvisa musoro mugaba imomo pane basa nokuti munenge muchiita muchityira kuti ingakuvara. Ndomabasa embudzi, inenge yada kufurira mugaba.

Tinavo vakadaro pakati pedu, vakafunga kuti kufambirana nenguva kunovasvitsa kurefu. Vaye vanonzi Pastor Evan Mawarire vakakwira ndege kunotengesa nyika vachiratidzira kumuzinda weZimbabwe kuUnited Nations, President Mugabe vaenda kumusangano weUnited Nations General Assembly.

Nhasi vave kuona kuti vakakwidzwa ndege yamashanga, ndege yave kuririma nomoto ivo varimo, vakatarisa.

Isu vana Mukwende toti ndiyo inonzi ndomene haichemedzi, kana kuti Chawagona Hapana, jeri reBindura. Kuratidzira kwaaida kuita ari kuAmerica kwakangoti mbombombo, America yakamudaidza yakangotarisa!

Kuno kumusha sangano rake rechinamato rave umwanda-umwanda, nokuti

Kuno kumusha sangano rake rechinamato rave umwanda-umwanda, nokuti mufudzi akatumwa kunofudza vanhu vaMwari, akadzoka osangana nezvimwe, akafunga kuti kukochekera mureza wenyika muhuro zvingabvisa President Mugabe neZanu-PF pachigaro.

Iyo mireza yaunoti ukafamba mukati meguta reHarare, panzvimbo zhinji pane marobhoti, unoona vakomana vane zvitengeswa-tengeswa kusanganisira mureza wenyika vakaukochera muhuro. Saka zvitsva zvakange zviri zvii? Kuti vave kuenda pa”social media” nezvaveko zvema”hashtag”?

Mawarire vavamwe vachaziva kuti amai vanonzi Zimbabwe, nyika yeChivavarirwa havatukwi nokungomhurwa zvisina maturo.

Svondo rinouya, Mukwende achataura zvisati zvamboburitswa kuti iye mutungamiri wamunoti nanga-nanga akasarudzwa nani, uye nenzira ipi.

Sembudzi, chimbofurirai ipapo pamakasungirirwa, asi tichona mave kudya mavhu. Ndinodaro nokuti unozvibvunza kuti Mawarire akachekana ukama nevamutsigira sei, kusvika pokuti maBritish vanomunyima matsamba okupinda munyika mavo.

Kana iye Mawarire akazvitsinhira patsamba mbozha yake yeTwitter kuti akanyimwa visa rokuenda kuBritain.

Musi weChipiri svondo rino, Antony Bushfield anonyorera sangano rokutapa nhau rePremier akazivisa kuti, “Pastor leading fight against Zimbabwe’s Mugabe refused entry to the UK”.

Bushfield namamwe masangano enhau akati:  “A Zimbabwean pastor who is leading protests against Robert Mugabe has been refused entry to the UK. Pastor Evan Mawarire was told by immigration officials his visa had been refused just hours before he was due to board a flight to London. He’s been instrumental in the ‘This Flag’ campaign – an uprising against the leadership of Mugabe. Mawarire is currently in the United States but was due to give a speech in London on Tuesday night. The reasons for his visa being rejected were not immediately clear but Premier understands he is appealing. An event in parliament, where Pastor Evan was due to speak to the Africa All Party Parliamentary Group, has been cancelled.”

Kana vakushandisa, vanokusvipa kunge gunde reipwa. Ndozvamakaitwa Pastor Mawarire. Kana vana Mai Joice Mujuru vaiveko kuChatham House kuBritain masvondo akapfuura vachaona kuti vachaitwa zvimwe chete.

Vana Tsvangirai vakazviziva kare kuti vave vana chokumarara. Kwangove kungozamurira kuti pamwe zvakare zvichadzoka, asi matakadya kare haayaradzi mwana.

Tiri pane iyoyi yaMawarire nokunyimwa visa namaBritish, zvakanaka kumbonokora tsoka toona kuti vana vapindwa nei.

Share This:

Sponsored Links