Uncategorized

Mbuya isina kupfeka pu-u kuChitungwiza

13 Feb, 2015 - 09:02 0 Views
Mbuya isina kupfeka  pu-u kuChitungwiza MUDZIMAI akaonekwa ari musvo pane imwe imba kuUnit F, kuChitungwiza

Kwayedza

MUDZIMAI akaonekwa ari musvo pane imwe imba kuUnit F, kuChitungwiza

MUDZIMAI akaonekwa ari musvo pane imwe imba kuUnit F, kuChitungwiza

YAKAVE batai-batai pane imba kuUnit F, kuChitungwiza nomusi weMugovera wadarika apo mumwe mudzimai aifungidzirwa kuti muroyi akaonekwa ari pamba apa asina kupfeka.

Mudzimai uyu anonzi akaonekwa panhamba 2283 Unit F panove pamba paMai Nicol Mupamhanga avo vakazoudza Kwayedza kuti:

“Isu takange takarara apo takanzwa mutsindo wekufamba-famba kwemunhu uye kugogodzwa kwemusuwo. Tete vangu avo vakange vakarara mune imwe kamuri pavakanzwa izvi vakafunga kuti yaive mbavha nekuti dzaitove kuma1am. Tete vakabva vadaidzira kuti amai Nicol panze pane mbavha saka ndakangovapindura ndichiti kana iri mbavha ingaramba yakamira pamusuwo iyo ichinzwa kutaura kwevanhu here.”

Vanoti vakazoshamisika kunzwa vavakidzani vavo vave kudaidzira mangwanani kuti pamusuwo pavo pakange paine muroyi.

“Takashamisika kuti muroyi wacho akazoramba akamira kubva na1am kusvika na7am ari pachivanze pedu apo akange akapfekera pepabhegi renyama muchipfeko chake chemukati.

“Pakutanga, vanhu pavaiona nyama yakafutunuka vaitofunga kuti akange ari murume. Muchembere iyeye akange akapfeka pitikoti chena uye akange achingotaura kuti akange auya nemunhu anonzi Siperire uyo waaiti aiva mumba medu zvisinei nekuti hatina kumbomuona,” vakadaro.

Vanoti muchembere uyu akazonamatirwa nemumwe muvakidzani wavo kuti asatize.

“Muvakidzani wangu ndiye akazomunamatira kuti asatize kusvika azoendeswa kumapurisa ekwaMakoni. Asi takanzwa kuti akazoregedzwa apo mapurisa asina kubvuma nyaya yehuroyi iyi vachiti pamwe munhuwo anorasika njere.

“Pepabhegi renyama iyo yatinofungira kuti inogona kudaro iri yemunhu yaive nemusanganiswa wematumbu takazoirasira kure nekuti akange atoidonhedzera pachivanze pangu,” vakadaro Mai Mupamhanga.

Mai Yeukai Kasimbe (26) vekuUnit F kwekare vaiva munzira kuenda kuchechi yepositori munguva dzemangwanani apo vakangoerekana vaona muchembere pachivanze chevaridzi ari musvo.

“Taienda kuchechi apo takaona muchembere asina kupfeka achimara-mara pafenzi yepaimba iyi. Akatozopihwa pitikoti nevamwe vanhu.

“Aiti akange adonha murusero rwaive nevamwe varoyi nekuti rwakange rwazara uye vakange vamumanikidzira kuti vauye kuzodya nyama kuChitungwiza, asi iye akambenge aramba achiti akange ane nyama yakakwana,” vakadaro Mai Kasimbe.

Vanoti pavakamubvunza kuti akange achidei pamba apa, akati aida munhu anonzi Siperire uyo akange apinda mumba maMai Mupamhanga.

Nyaya iyi yakatsinhirwa zvakare naMai Shone Chidhangu (30) avo vanoti vaiendawo kuchechi yeZviratidzo Zvevapositori apo vakaita mahwekwe nemunhu uyu.

Muchembere uyu aiti Sipereri aenda nebhegi renyama uye aiti akange abva kuMberengwa saka vanhu vakangotiwo muroyi nekuda kwezvaaitaura uye nhau yekusasimira,” vakadaro.

Mai Edith Manhuru (32) vakatiwo:

“Ndakangoona vanhu vakaungana ndikafunga kuti pane mbavha yabatwa. Pandakazosvika padyo ndipo pandakaona kuti paive nemuchembere akange asina kupfeka ndichibva ndangotorawo mifananidzo nenharemhozha yangu ndichibva ndapfuurira mberi nerwendo rwangu,” vakadaro.

Mutauriri wemapurisa mudunhu reHarare, Inspector Memory Pamire vakati mukadz makore 56 ekuzvarwa uyu ainge agara amhan’arwa kumapurisa semunhu asiri kuonekwa nehama dzake kubva musi wa 5 Kukadzi gore rino.

“Akazoonekwa musi wa7 Kukadzi uye anogara kuUnit L, kuChitungwiza kwekare. Hama dzake padzakanzwa kuti aiswa kumapurisa achinzi muroyi, vakaendako vakamutora. Vakaburitsa magwaro ekuchipatara anoratidza kuti mai ava murwere wepfungwa,” vakadaro Insp Pamire.

 

Share This:

Sponsored Links