McGregor, Nurmagomedoc votatsurana

24 Aug, 2018 - 00:08 0 Views
McGregor, Nurmagomedoc votatsurana Conor McGregor

Kwayedza

SHASHA yekuongorora mutambo weMMA, Robin Black, anoti anofunga kuti Conor McGregor achasendeka kukwikwidza mumutambo uyu, asi hunge akakundwa naKhabib Nurmagomedoc kumutambo weUFC 229.

McGregor ari kutarisirwa kuti ndiye achakundwa mutambo uyu sekutaura kwevanobhejesa mitambo.

Mari iri kuiswa panaMcGregor yakawandisa pane iri kubhejwa panaNurmagomedov wekuRussia uyo waachasangana naye kuLas vegas muna Gumiguru.

Black anoti anofunga kuti mutambo uyu uchave mukuru kuvatambi vese nekuti hapana anoda kukundwa.

“Kunyangwe pane zvakawanda zvekuhwina mumutambo uyu, zvakawanda zvavacharuzawo zvakare. Nekuti kana McGregor akakundwa, mumaonero angu, achasendeka kukwikwidza mumutambo uyu. Kana McGregor akakundwa chete, hatichamuone mumutambo uyu zvakare.

“Kana Khabib akakundwa mutambo uyu, haangorase nhorowondo yake yekusakundwa kwete, asi kukundwa nemunhu akaita saMcGregor hakumbomufadze, apo morari yange yakasimudzwa yemutambo uyu. Kukundwa uku hakumbomuitire zvakanaka kunoshandura zvakawanda,” akadaro. – Sportsmail MMA

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey