Mertesacker odemberera Wenger

27 Apr, 2018 - 00:04 0 Views
Mertesacker odemberera Wenger Per Metersacker (kuruboshwe) achitaura naArsene Wenger

Kwayedza

PER Mertesacker anoti Arsene Wenger achiri nesimba rekuramba achirairidza nhabvu kana akabva kuArsenal pachapera mwaka uno.

Wenger achabva kuEmirates Stadium pachapera mwaka uno izvo zvaakataura svondo radarika achiti achabva kuchikwata ichi chaakarairidza kwemakore 22.

Vanhu vari kuda kuona kuti shasha iyi ichasendeka here kurairidza nhabvu kana kuti achatsvaga chimwe chikwata chekutungamirira.

Svondo radarika, Wenger akataura kuti acharamba achiita mabasa akasiyana mumutambo wenhabvu.

Wenger akataura chikwata chake chichangobva kukunda West Ham 4-1 achiti haana kuneta.

Kaputeni wechikwata chake – Per Mertesacker – anoti anofunga kuti chizvarwa chekuFrance ichi chichiri nezvakawanda zvekuita munhabvu abva kuArsenal.

“Takashamisika ndicho chekutanga, tingangobaikana ndicho chokwadi,” Mertesacker akadaro achitaura nezvemashoko akabva kuna Wenger svondo radarika ekuti achasiya kurairidza Arsenal.

“Unotozviona kuti achiri nezvakawanda maari uye simba rekuti anogona kuramba achirairidza chikwata ichi chiende mberi kana kune zvimwe zvikwata.” – SportsMail Football

 

Share This:

Sponsored Links