Mhando dzehohwa

01 Jul, 2016 - 00:07 0 Views

Kwayedza

Ticha Danga

ZVIKOMANA zvakare nezvemazuva ano zvasiyana. Zvekare zvaive zvakagwinya asi zvisina kufuta. Zvamazuva ano zvakafefemuka asi zvisina kugwinya. Zvikomana zvakare zvairarama nemhando yemiriwo yakasiyana-siyana.Zvikomana izvi zvakanga zvisinganetseri kudya sezvotoona mazuva ano kuti mwana anobva kuchikoro achisvikoshushira sadza pamba. Zvaiswera kumafuro uko zvaidya michero yemusango senhunguru, tsvanzva, kana matohwe. Zvaidyazve maroro netsambatsi.

Zvikomana zvakare izvi zvaimora uchi zvodya zvichinwira mvura matumbu oswera akati kan’an’a nekuguta.

Muchikamu chino tinotarisa mhando yemiriwo yaidyiwa kare. Mimwe yemiriwo iyi ichiriko nanhasi.

Vanhu vaidya sadza nehohwa.

Kana nanhasi hohwa huchiri kudyiwa zvekuti ukatopinda muhotera haushayi muto wehohwa pazvidyiwa. Humwe hohwa hunotengeswa muzvitoro nemumigwagwa.

Hohwa uhwu hune mazita ahunozivikanwa nahwo. Kune chihombiro, icho chinodyiwa chiri chinyoro kana chakaoma. Kune humwe hunonzi hohwa churu uhwo hunomera pachuru. Hohwa churu hune mazita ahunozivikanwa nahwo.

Kune zihohwa zihombe rinonzi dindindi.  Dindindi rinodyiwa navashoma avo vanorida rafushwa rozoiswa mudovi. Dindindi rinomera pese pese.

Pane hunonzi hohwa matanda uho hunomera pamatanda akaoma nekuorera. Hunodiwa hwakafushwa. Huvhe ndihwo hohwa hunomera panonaya mvura zhinji. Hohwa uhu hune guvhu nemidzi yakareba zvikuru. Huvhe inowanzowanikwa navafudzi vemombe mumakura.

Nhedzi hohwa huchena husingakure sehuvhe. Nhezi inotsvedzerera uye inonaka chaizvo. Inofushwa kana kudyiwa iri nyoro.

Kune kamwe kahohwa kanoda kunoti fananei nehohwa churu. Kahohwa ikaka kanotsvedza zvekuti hakadi kudyiwa kari kanyoro. Kahohwa aka kanonzi nyakasheshe.

Nzveveyambuya imwe mhando yehohwa hune nzeve dzakaita sedzembwa. Hunoti kwangwamarei sezvinoita twunzeve twembwa. Kune twumwe twuhohwa twudikidiki twutsvuku twunomera pese pese. Twuhowa itwotwo twunofushwa kana kubikwa twuri twunyoro. Twunonzi tsvuke tsvuke kana kuti firifiti.

Uzutwe kana kuti uzukwezukwe hohwa hwakada kufanana nehuvhe kusiyana kweguvhu nemidzi.

Pane hohwa hunodyiwa nevakashinga kana kuti vane ruzivo rwakakwana. Hohwa uhwu hukangobikwa kana kutanhwa zvisirizvo mhuri yose inoenda kwamupfiga nebwe.

Hohwa ihoho zvikare haudi kudyiwa huri hunyoro. Hohwa uhu hunonzi kumudzikunamakuva.

Tsvagurudzo inotaura zvakare juti hohwa hose hwatinoziva hunogona kuuraya kana huchinge hwatanhwa munzvimbo inorimwa mapuranga.

Tiri pamiriwo ipapo regai tivhare chirongwa nemhando yemiriwo yemakurwe. Makurwe anozivikanwa nekunaka chaizvo zvekuti tsima yesadza inoondomoka zvamusati maona.

Tine makurwe anoti nyamunjwiriri rinorira zvinovhara nzeve nenyaruzanda. Chikudyu imwe mhando yemakurwe asi vanhu vashoma vanochidya.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey