Mhando dzerunyoka

19 May, 2017 - 00:05 0 Views
Mhando dzerunyoka

Kwayedza

Kingstone Mapupu —
RUNYOKA kana kuti rukawo inonzi itsika yekushandisa mishonga kuchengetedza vanhukadzi vakaroorwa kuti vasaite gumbo mumba, gumbo kunze uye izvi zvinonzi zvaiitwa kubva pasichigare.

Vaiita izvi kare vanonzi vaive nechinangwa chekuchengetedza wanano, kunyanya kana ari murume ane barika uyo angangotyira kuti vamwe vemadzimai ake vangagumisira votsvaga kugutswa kunze.

VaFriday Chisanyu — avo vanova mukuru wesangano reZimbabwe National Practitioners Association uyewo vari sachigaro weTraditional Medical Practioners Council — vanoti kune mhando dzakasiyana dzerukawo.

“Runyoka kana kuti rukawo rwunoiswa kumukadzi seruzhowa kana kuti mudhuri wekuti asaite gumbo mumba, gumbo kunze. Haruna kuipa, rwakanaka nhamba 1 nekuti kuchengetedza musha wako kuti kusawanikwe vamwe varume vanopoyera mudanga rako,” vanodaro.

Vanoenderera mberi vachiti: “Ndiyo yatinoti muchirungu ‘central locking’. Tine runyoka rweruware rwekuti mugwagwa wemudzimai hauwanikwe nemurume waanenge achida kushereketa naye. Tine rwebanga rwekuti murume nemukadzi vanonamirana kusvikira vakochonorwa nevanoziva mishonga yacho asi vamwe vanofa ipapo vakanonokerwa.”

VaChisanyu vanoti kune runyoka rwekachura kanobuda mukaka, rwavanoti murume akashinha nemukadzi akagadzirwa nako, anozvimba dumbu kusvika pakuputika kana asina kurapwa nevanogona uye nenguva. “Tine rwehove, rwekuti murume ukashinha nemukadzi akaiswa rukawo urwu, unogara wakaisa makumbo ako mumvura apo anogara achipisa uye asingade kuburitswa kunze sezvinoitawo hove.

“Kunewo runyoka rwanyakungu kana kuti rwemubobobo — rwekuti ukangosangana nemukadzi akarwuiswa, unofira ipapo wobva wasviba setsito sewarumwa nerovambira,” vanodaro. Vanotizve kune runyokawo rwunoiswa kuvanhurume nemadzimai avo, rwekuti havakwanise kuita bonde kunze kwewanano. “Varume vanosungwa chete nerunyoka kana rukawo, havazokwanisa kuita bonde nemumwe mukadzi kunze kweakamusunga wacho,” vanodaro VaChisanyu.

Vanoenderera mberi vachiti, “Kubva kare, zvaiitwa ndokusaka maiona kuti kwaisava nezvirwere nekuti vanhu vairemekedza dzimba dzavo nekutya nyaya dzerukawo.

“Murume aienda kuWainera, kuSouth Africa, amai vaisara vari voga kwemakore asi baba vachizodzoka vachiwana musha wakamira. Kwete mazuva ano ekuti zuva rimwe chete unowana mumba chikomba chagara pasofa.” vanodaro. Mashoko avo anotsinhirwa naSekuru Bonface Katerere vekuUzumba vachiti runyoka haruna kuipa sezvo iri nzira yekuchengetedza musha. Mbuya Marita Ried, avo vanove imwe nyanzvi yechivanhu, vanoshora varume vane tsika yekuisa rukawo kumadzimai asi vozovaramba vachisiya vakadaro, voshaya vekudanana navo. “Hongu, rwakanaka pakuti madzimai haaite zvechipfambi. Asi zvakaipa kana varume vave kuzoramba vachisiya madzimai vakadaro, izvo zvinonetsa kuti vawane vamwe varume,” vanodaro.

Madzibaba Elias Gomwe vechechi yeJohane Masowe weChishanu yekuChitungwiza vanotiwo maporofita anoisa rukawo nenzira dzakasiyana sekushandisa muteuro asi rwuchishanda zvimwe chete.

“Inzira yakanaka zvikuru kuchengetedza misha yedu sevarume nekuti hakuna murume anoda kuti musha wake upinde mumwe murume,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links