Mhando yemuriwo

08 Jul, 2016 - 00:07 0 Views

Kwayedza

NDINODA kubva ndangojekesa kuti vaya vanodya miriwo inonyanyowanikwa mumasango vane mukana yekukura vakagwinya nemhaka yekuti zvemusango zvine ndima yekurapa nekudzivirira zvirwere zvekuti twumwe tumatenda twunotambira kure. Miriwo iyi ine simba rekuwedzera masoja emuviri (antibiotics).

Onai zvihuta zvaita mbiri pasi rose asi taiswera tichimhanyidzana nazvo mumakura nemumahuswa tichiita zvekutamba nazvo.

Tikatarisa pahurongwa hwedu hwekudya kunovaka miviri, tinowana madora aripo. Madora imhando yamakonye inonaka nekuvaka miviri zvikuru. Vamwe vanosema madora vasingazive kuti kurasikirwa kwavanenge vachiita.

Kune mhando dzakawanda dzamadora uye madora anozivikanwa nekuda kwemiti iyo anonhongwa ari. Kune madora anonzi manhemeteme. Aya anowakwa mumisasa apo anopona nekudya mashizha emiti iyi. Mashonjwa anowakwa mumuti wemusasa zvakare kana mumunhondo. Aya anonyanyowanikwa mumupani.

Kunewo madora anonzi harati anofarirawo mashizha emukarati. Nhongotowa dzinowanikwa mumuvhirinyimo kana kuti mumutowa.

Masinini anowanikwa mumusasa, mumutondo kana mumuwonde. Madora kudya kunovaka muviri zvikuru.

Derere kana kuti gusha kudya kwakanaka chose kunoita kutiza nemikonde yesadza. Derere rinogona kurimwa kana kuwanikwa musango.

Kune derere remusango rinonzi samwenda rinongomera rega munguva yeZhizha iro rinotanhwa mashizha acho abikwa.

Samwenda rinosiyana nederere rinonzi nama. Chero zvazvo nama richiwanikwa musango, rine mashizha akapamhamha kupfuura esamwenda. Nama inotanhwa mashizha akada kufanana nemowa asi iwo achikwasharara. Ndiwo anozobikwa odyiswa sadza.

Kune imwe mhando yederere iyo inocherwa midzi yacho. Midzi iyoyo inogezwa yotswiwa kana kumaranzwa paruware kana guyo yozobikwa kuita derere. Mhando yederere iyi inonzi hambakachere. Hambakachere inocherwa sezvinotwa derere rechijonga. Kusukutwa kwacho kumwe chete asi chinozosiyana chete ndechekuti chijonga chinoburitsa derere rakatsvuka.

Derere rinonyanyozivikanwa neruzhinji iderere rechipudzi kana kuti nyamanda. Iri ndiro riya rinorimwa muminda kunyanya  pazvuru rinoita zvana zvine mhodzi mukati.

Sadza rinotsakatika mundiro nenguva isipi kana richidyiwa nembeva. Mbeva dzinogona kucherwa kana kuteiwa namariva uye dzakasiyana-siyana. Kune mhando yembeva inotambira mumwena yepazvuru apo panopfumba. Iyi inonzi danhazvuru. Kunewo zimbeva hombe rinonzi dapi. Mbeva iyi inokura uye inowanikwa mune madhaka kana hunyoro.

Mhatsi imbeva dzinokwira mumiti dzichiita matendere. Kunowanikwa mbeva dzinocherwa mumakura dzakaita seshana, nhuru nenhika. Kanhika kanoonekwa kachimhanya nemwenza zuva rakachekanyika. Chigwiti kana kuti pfundo pamwe nekamukunyadenhe zvinosairirwawo kumbeva.

Asi kune imwe mbere inogara mudunhu iyo inomhanya zvinoshamisa. Iyi mbeva inonzi mbende uye yakatsvukuruka iine pasi pachena.

Hatingavhare chirongwa tisina kubata mhando dzemiriwo chaiyo yamashizha. Tinorima mumanga kana kuti muboora uyo unotipazve manhanga.

Patinotanga kurima mbeu pasi padzinobuda kunotevera nyevhe nemujakari. Miriwo iyi inonaka nedovi.

Muminda medu imomo tinorima munyemba. Musango tinowana chirevereve, mowa kana furanondo. Miriwo yese iyi yakanakira utano hwedu.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>