Mhanzi inotoda wakadzidza: Chibhodhoro

21 Jul, 2017 - 00:07 0 Views
Mhanzi inotoda  wakadzidza: Chibhodhoro JOHN MUYAMBO

Kwayedza

Abel Ndooka —
SHASHA inozivikanwa munyaya dzemhanzi nekuridza ngoma, John ‘Chibhodhoro’ anoti munhu kana achida kuita muimbi zvakakosha kuti atange aenda kuchikoro pamwe nekutsvagawo rimwe basa rekuita ozotanga hake kutsikisa mhanzi.

Chibhodhoro anozivikanwa achishanda nevaimbi vakawanda vanosanganisira Safirio ‘Mukadota’ Madzingatire, Tanga Wekwa Sando, Walter ‘Papa Sodza’ Sonai pamwe nezvikwata zvinoti Ocean City Band, Great Sounds neReal Sounds of Africa.

Shasha iyi yave nemakore anodarika 30 iri muindastiri yemhanzi.

“Kurudziro yandingape kuvaimbi vave kuda kutanga iye zvino, kunyanya vechidiki, ndeyekuti tanga waenda kuchikoro woita kosi yako wozotsvaga basa.

“Ukada kumirira mhanzi chete zvinogona kukugumbura chaizvo. Muenzaniso wakanaka ndewaPapa Sodza, munhu ane basa rake uye ari kuita zvemhanzi saka magitare akaramba kubhadhara anoziva kuti anogona kuraramiswa nebasa rake,” anodaro.

Chibhodhoro akazvarwa mugore ra1950 kuChipinge ndokudzidza paDangare Primary School kusvika Standard 6.

Haana kuzokwanisa kuenderera mberi nechikoro sezvo anoti baba vake vakazosiya basa zvakaita kuti vamushaire mari yekuenderera mberi nechikoro.

Asi mukukura kwake, anoti akatanga kuridza ngoma aine nemakore mashanu okuberekwa uye nekufamba kwenguva aideedzwa kumichato achinotandadza vanhu nekuridza ngoma.

Mugore ra1967, Chibhodhoro akatuta twake ndokunanga kuMasvingo kunodzidzira kuridza ngoma dzemagitare.

Anoti muna 1969 akabva kuMasvingo ndokuenda kuHarare uko kwaakanopinda muchikwata cheGreat Sounds chaitungamirirwa naElias Banda icho chakaita mukurumbira nekambo kainzi ‘Anopenga ane waya’.

KuGreat Sounds, Chibhodhoro akasvikotsiva Jethro Rushasha uyo akange abva. Rushasha panguva iyi, sekutaura kwaChibhodhoro, ndiye aive shasha pasi rose pakuridza ngoma dzemagitare.

Akafamba kwemakore neGreat Sounds vachiridza kwakawanda asi akazobva ndokunotanga kushanda naMukadota pamwe chete Elizabeth ‘Katarina’ Taderera.

Paakabva kuGreat Sounds, Chibhodhoro akatsiviwa naMarshall Munhumumwe.

Chibhodhoro akazomboedza mhanza yake kuOcean City Band apo yaitungamirirwa naPhillip Svosve vakazowana kondirakiti yekunoridzira kuBulawayo.

Ari kuOcean City Band, Oliver Mtukudzi akauya kwavari ndokuvakumbira kuti vaende naye kuSouth Africa kunotsikisa dambarefu rake rainzi ‘Please ndapota’.

Dambarefu iri rakanetsa nekambo kanzi ‘Born in the Ghetto’ uye panguva iyi Ocean City Band yakamboridza zvakanyanya naMtukudzi ndokusiyana zvavo nekufamba kwenguva.

Mushure memakore anoverengeka, Chibhodhoro akazobva kuOcean City Band ndokudzokera kunoshanda naMukadota uye panguva iyi muchikwata ichi cheThe Brave Sons makange mave nevamwe vaimbi vanosanganisira Tobias Areketa.

Akazobva kwaMukadota ndokuenda kuReal Sounds of Africa uko kwakamuona achienda kuEngland kwemwedzi mitanhatu mugore ra1988 uye vakazodzokera zvakare muna 1989.

Zvakadai, pavakadzoka kubva kuEngland mugore ra1989, dzimwe nhengo dzeReal Sounds of Africa dzakazofa nekufamba kwenguva uye uku ndiko kutanga kuparara kwakaita chikwata ichi.

Chibhodhoro akazombosiya zvemagitare ndokutanga kutyaira mataxi ndokuzotuta twake achienda kwaMutare kumba kwaamai vake kusvika mugore ra2004 apo Tanga Wekwa Sando akazomutsvaga ndokumudzora kuHarare vakatanga kushanda vese.

Kubva 2004 kusvika parizvino, Chibhodhoro ari kushanda naTanga Wekwa Sando uye makore adarika akatanga kushandawo naPapa Sodza.

Muchinda uyu akaroorana nechiponda mwoyo chake – Joice Muyambo – anove nyamukuta pane chimwe chipatara chikuru muHarare uye vakakomborerwa nevana vatanhatu, vakomana vatatu nevasikana vatatu.

Mukufamba kwaaita nemhanzi, akakwanisa kuridza kunyika dzakawanda uye Bob Marley paakauya muno mugore ra1980, Chibhodhoro akaridza pashoo iyi aina Elijah Madzikatire.

Mugore ra1986 ari kuOcean City Band, vakaridza kumhemberero dzekuroora kwavaive mutungamiriri wenyika yeMozambique, President Samora Machel apo vakaroora mudzimai wavo Graca Machel.

Mazuva ano Chibhodhoro kana asiri kufamba kumashoo naPapa Sodza kana naTanga Wekwa Sando anenge ari kumba kwake kuBudiriro uko anoita bhizimisi rekupfuya huku.

Vazhinji vanomuziva achiita zvemhanzi asi akambobudawo mumadhirama akasiyana anosanganisira Tiri Parwendo naLandlord.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey