Mhanzi yangu ndeyezodzo: Pfukwa

29 Sep, 2017 - 00:09 0 Views
Mhanzi yangu ndeyezodzo: Pfukwa

Kwayedza

Abel Ndooka —
MUIMBI wemusambo wechitendero ari kusimukira, Faith Pfukwa, anoti chishuwo chekuparidza shoko raMwari ndicho chakamutuma kuti atange zvekuimba.

Pfukwa – uyo ane madambarefu maviri anoti Mwari weminana neShekinah Glory – mumwe vevaimbi vechidzimai vari kutsikisa mhanzi ine zodzo uye inokomborera.

“Ini hupenyu hwangu hwandinorarama ndinotungamirirwa neBhaibheri pazvose zvandinoita saka kuti nditange kutsikisa mhanzi ndakatumwa nechinangwa chekuparidza kunaka kwaJehovha musiki wangu. Bhaibheri uye shoko raTenzi ndiro rinondituma kutsikisa mhanzi yangu yandinoimba,” anodaro Pfukwa.

Pfukwa akatanga kuzivikanwa apo akatsikisa kambo kanonzi Mutsvene ako kakanetsa zvikuru mugore ra2013 kari padambarefu rake rekutanga – Mwari veminana.

Anoti ari kutarisira zvikuru kuti dambarefu rake rechipiri, Shekinah Glory, richanetsa pasi rose sezvakaita rekutanga.

“Isu sevaimbi vechitendero ibasa redu kuti tiparidze shoko raMwari uye ini shuviro yangu kuti mhanzi yangu isvike pasi rose vanhu vazive kugona kwaMwari.

“Ndinoimba nechiShona nechiRungu uye shoko ratiri kuparidza rimwe chete saka ndinovimba kuti mhanzi yangu ichaita mukurumbira pasi rose nekuti vhangeri randiri kuparidza nderaJehovha wedu,” anodaro.

Achikura achiri kuchikoro, Pfukwa anoti aiimba uye achiyemura mhanzi yevaimbi vakaita saMai Olivia Charamba, Mai Shingisai Suluma naRebecca Malope wekuSouth Africa.

“Ndichikura ndaiyemura zvikuru mhanzi yevamwe vaimbi uye ini ndavemo muindasitiri saka ndinokoshesa mashandiro avo andaiona vachiita. Ndinoshuvira kuwana mukana ndigoshanda navo tibatsirane kuparidza shoko raMwari.

“Sevaimbi, kushanda pamwe chete kwakakosha sezvo tose tinowana mukana wekushumira mubasa ratinenge tichiita uye mhanzi yedu inoenda kure,” anodaro.

Dambarefu raPfukwa, Shekinah Glory, rine kambo kanonzi Ndidzorere ako kane vhidhiyo iri kunetsa zvikuru pazvirongwa zvakasiyana paZTV.

Share This:

Sponsored Links