Mhemberero dzeWorld aids Day

10 Nov, 2017 - 00:11 0 Views
Mhemberero dzeWorld aids Day

Kwayedza

MUMAZUVA makumi maviri nemashanu anotevera, tichange tichibatana nenyika dzepasi rose mukupemberera zuva guru reWorld AIDS Day. Gore rino, mhemberero idzi dzichange dzichiitirwa kuWhite City Stadium, kuBulawayo pasi pedingindira rinoti: “Kuvhara pombi dzinomutsa utachiona hutsva hweHIV”.

Mhemberero dzemhando iyi dzinoitwa mumatunhu gumi asi dzichitenderera nzvimbo nenzvimbo.

Pazuva iri, vanhu vachange vachipangwa mazano uye pachaitwa mitambo inotandadza.

Munhu wese ari kukokwa pachiitiko chepasi rose ichi.

Kune vanoda kupinda muchirongwa ichi, vanokwanisa kubata sangano reNational AIDS Council kuti vanzwe zvizere.

Mugore ra2013, mhemberero idzi dzakaitwa paGarwe Stadium kuChivhu, kudunhu reMashonaland East pasi pedingindira rinoti: “Kupedza HIV, ibasa rangu, ibasa rako”.

Dzimwe mhemberero dzerudzi urwu dzakaitwa kuVictoria Falls, kudunhu reMatabeleland North Province pasi peAfrican Union Commission.

Nyika dzose dziri musangano reAfrican Union dzakanga dzakamiririrwa pachirongwa chikuru ichi.

Muna 2015, mhemberero idzi dzakaitwa mudunhu reHarare dzichifambirana nechirongwa cheInternational Conference on AIDS and STIs in Africa (ICASA).

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey