Uncategorized

‘Mhemberero dzine musiyano’

24 Feb, 2017 - 00:02 0 Views
‘Mhemberero dzine musiyano’

Kwayedza

Tandayi Motsi —
ANOTUNGAMIRIRA vechidiki mubato riri kutonga reZANU-PF (National Secretary for Youth Affairs), Cde Kudzanai Chipanga, vanoti gadziriro dzemhemberero dzebhavhadhe rezuva rekuberekwa kwemutungamiriri wenyika President Mugabe, dzave padanho repamusoro uye dzegore rino dzine musiyano nemamwe makore.

President Mugabe vakasvitsa makore 93 okuberekwa nemusi weChipiri svondo rino.

Mhemberero dzebhavhadhe ravo dzichaitwa neMugovera uno pachikoro cheRhodes Estate Preparatory School, kuMatobo District.

Cde Chipanga vanoti gadziriro dzemhemberero idzi dzafamba zvakanaka.

“Tagadzirira mutambo uyo, gadziriro dzacho dzave padanho repamusoro uye tine idi rekuti mhemberero dzegore rino dzinenge dzakasiyana nemamwe makore. Zvekudya zviripo sezvo takawana mombe dzinodarika 100 nechibage chinodarika matani mashanu kuitira kuti vanhu vawane zvekudya,” vanodaro Cde Chipanga.

Vanoti purovhinzi imwe neimwe ichatumira vanhu vanodarika 10 000.

Vechidiki, vanodaro Cde Chipanga, vanodzidza zvakawanda kubva kuupenyu hwaPresident Mugabe semutungamiriri anotevedza gwara.

“Sevechidiki, pane zvakawanda zvatinodzidza pamwe nekuyemura kubva kuna President Mugabe zvakaita sekuti kana uchinge uri mutungamiriri unofanira kuve munhu akatendeseka, ane hushingi, anoda vamwe, ane chiono chakanaka cheremangwana renyika, hunhu hunoyemurika uye usingatengese kunyangwe zvinhu zvikaoma sei.”

Cde Chipanga vanoenderera mberi vachiti: “Tinoti isu sevechidiki, makorokoto President Mugabe nekusvitsa makore 93 okuberekwa. Kudai Mwari akuwedzerai makore akawanda muchitonga.”

Zvakadai, nemusi weChipiri svondo rino, vechidiki vakaronga kuchenesa maguta, madhorobha nedzimwe nzvimbo dzakasiyana kumatunhu mana enyika nedonzvo rekupa mucherechedzo wakanaka pamwe nekutevera matsimba aPresident Mugabe.

“Vechidiki vebato reZANU-PF nhasi (musi weChipiri svondo rino) vanodarika 5 000 vabatsira kupurovhinzi imwe neimwe mukuchenesa nzvimbo dzakasiyana nechinangwa chekupa mucherechedzo wakanaka kune veruzhinji,” vanodaro Cde Chipanga.

 

Share This:

Sponsored Links