Uncategorized

Mhoro dj weRadio Makuhwa

20 Feb, 2018 - 11:02 0 Views

Kwayedza

naIgnatius Mabasa
KANA usina kuzviona nemaziso ako kana kuzvinzwa nenzeve dzako, zvitye nekuti mazitye, hadzisi hembe itsva. Variko vanongobvuma manzwira-nzwira neekuti kwaMuzabanani nzou dzapera kufa nemariva.

Iwe kana usina kuzviona nemaziso ako, unodirei kubika makuhwa mukasoro kako kuti uzoashambadza neziromo rako rinenge satellite dish?

Makuhwa akanzi nevamwe iredhiyo yaSatani uye vanhu vanotaura nekumhanyisa makuhwa ndiwo maDJ aSatani.

Rurimi rwunocheka kudarika banga, nekuti kuchekwa nebanga kunopora, asi kucheka kwerurimi hakupore zvekumhanya.

Tichitaura kudai, pane ari kuchururuka ropa paronda raakachekwa nemashoko gore raakaroorwa – makore makumi matatu adarika ayo.

Amai veshamwari yangu vakandidzidzisa kamunamato kekuti, “Mwari, ndidzidzisei kuvhara muromo wangu kusvika ndave kuziva zvandiri kuda kutaura.”

Asi nyangwe zvakadaro, vamwe vanhu vane miromo inodurura tsvina ine korera. Vese vanenge vataudzwa navo vanosara vachirwara kana kutofa.

Asi usati wataura, bvunza mibvunzo mitatu inoti: Zvandiri kuda kutaura izvi ndezvechokwadi here? Zvine basa here kana ndikasazvitaura? Zvine mutsa here?

Mazuva ano atakombwa nemashoko emaWhatsApp anenge tsoko dziri kusvetuka-svetuka mimiti, vanhu vazhinji vapera kufa.

Variko vari kuita basa rekutsvaga manyepo nemakuhwa ekufambisa paWhatsApp. Varikowo vakamirira kugashira mashoko ekuti vapfuudze kune vamwe vakawanda, nyangwe vasingazive kuti zvavapfuudza izvi ichokwadi here kana kuti inhema.

Saka kune vagari kuDomboshawa kwaMutake uko, vakatanga makuhwa ekuti kune mwana ane makore 5 ari kubhururuka. Vamwe pavakanzwa nyaya iyi havana kungoipfuudza chete, asi vakaisa nyaya iyi lipstick nepefiyumu kuti inyatsosvika kune vamwe ichiyevedza.

Vakawedzera vakabva vatiwo, mwana uyu haangobhururuka chete, asi anombopota achishanduka kuita nyoka. Saka nyoka ndiani – mwana uyu kana vanhu vari kubhururutsa mashoko ekubhururuka kwemwana kwavasina kuona?

Vamwe vanhu tinotambisa zvipo zvatakapihwa naMwari zvekunzwa nekutaura. Unozviziva here kuti kune mbeveve nematsi dzinoti dzikakuona uchitaura dzinoti zvake anotaura nekunzwa, asi havazive kuti muromo wako iMissile?

Pawakafambisa mashoko emakuhwa ekuti kune mwana ari kubhururuka achimbopinduka kuita nyoka wakambozvibvunzawo here kuti dai mwana uyu ari wako wainzwa sei? Mwana ari kupomerwa zvinhu izvi mwana mudiki kwazvo, uye mashoko aya anogona kumuita kuti asemwe nekuvengwa nekufungirwa, nekutyiwa zvekuti kukura kwake kunogona kuzokanganisika.

Kupomerwa zvausiri, kana zvausina kuita kuurayiwa.

Kuroya hakusi kwekutasva bere usina kupfeka uchibuda husiku chete. Variko varoyi vanoroya nenyoka inonzi rurimi. Varoyi vanoroya nerurimi vanongoshama, rurimi rwavo rwokobora vamwe. Kana vakobora, vanobva vasvova vachienda, asi vanenge vatouraya.

Makuhwa nekunyeya madhimoni asingabude pamberi pevafundisi kuti munzi makanaka. Asi Mwari vanoti, “Mumuromo menyu murege kubuda shoko rakaora, asi rakanaka rinounzira nyaya avo vanonzwa.”

Ndinozviziva kuti vazhinji vedu tiri kutamba nhamo, asi nyangwe ukave murombo akaita sei, rega kuve murombo zvekushaya chokwadi mauri.

Usati wabaya foni yako kuti iite forward mashoko auri kuda kupfuudza mberi, zvibvunze kuti nyaya iyi yatangwa nani? Uye akaitanga nechinangwa chipi. Regai tsika yekupfuudza mashoko abva kune rimwe group achiti, “Munhu ane photo iyi muSatanist. Atouraya vanhu 11. Udzaiwo mamwe magroup.”

Mwari vanoti, “Asi ndinokuudzai kuti vanhu vachazvidavirira pamusi wokutongwa pamusoro peshoko rimwe nerimwe ravakataura risina maturo.”

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>