Uncategorized

Mhuri ine mhondi 2

08 Feb, 2019 - 00:02 0 Views
Mhuri ine mhondi 2 Murambiwa Mupaiki

Kwayedza

Kingstone Mapupu
MHURI yekuManyene, kuChivhu, inoti yatambudzwa nekuda kwevanakomana vayo vaviri avo vaponda vanhu vanokwana vana, izvo zvava kunzi zviri kukwezva mweya wengozi mumusha. Pavanakomana vaviri ava, mumwe ari kutopika jeri apo mumwe wacho akamirira kutongwa — vose nenyaya dzekuponda.

Mhuri yekwaMupaiki, iyo igere mubhuku raRufu, kwaMambo Nyoka, ndiyo yakatarisana nengozi dzakaparamurwa nevanakomana vayo vanoti Bryn Mupaiki (28) — uyo akaponda vanhu vatatu vanosanganisira mukoma wake, musikana wake waainyepera kuti anoda kuzoroora nemumwewo munhu.

Bryn akatotongerwa kugara mujeri kwemakore makumi matanhatu uye ari kupika kuChikurubi Maximum Security Prison, muHarare, mushure mekuponda vanhu vatatu.

Tafadzwa Mupaiki (31) — uyo anova mukoma waBryn — achakamirira kupinda mudare redzimhosva nenyaya yaari kupomerwa yekuponda mudzimai wake, Perpetua Muzengi (25), uyo waaipomera kuita zvikomba.

Mutauriri wemapurisa munyika, Assistant Commissioner Paul Nyathi, vanotsinhira nyaya yekusungwa kwaTafadzwa uyo anonzi akanobatirwa kunyika yeBotswana uko anonzi ainge atizira mushure mekuponda mudzimai wake.

Mhuri yekwaMupaiki inoti haichaziva kuti vanakomana ava vari kubatwa nemweya rudzi unovatuma kukoromora mhosva dzakadai mumusha mavo.

Bryn anoti aitumwa kuponda vanhu nevamwe vehukama nechinangwa chekuromba.

Anoti paaiponda vanhu vatatu ava, aitora nhengo dzinosanganisira ura hutete, nzeve nezvimwe pamitumbi yavo vose.

VaMurambiwa Mupaiki (52), avo vanova baba vaBryn naTafadzwa, vanoti havazive kuti mweya uri kukonzera vana vavo kuponda uri kubva kupi.

“Isu semhuri tinoti mweya uyu wakagadzikwa kuna Bryn apo akatorwa neimwe hama yedu akaendwa naye kun’anga kuMhondoro uko akanobikwa. Ndipo paakazodzoka achisvikotanga zvekuponda vanhu izvi.

“Zvino nhasi mukoma wake akapondazve mudzimai nekumurova neayini. Hatichaziva kuti todii nenyaya yakadai,” vanodaro.

Mashoko avo anotsinhirwa nemukoma wavo, VaJoramu Mupaiki (55), vachiti mweya wehumhondi uyu wakaturikwa pavana vavo nehama dzepadyo.

“Tave kutotya vana ava mumusha medu. Hatichaziva kuti mweya uyu uchabata panaani zvakare. Isu tiri kutorwadziwa nekuda kwevanhu vakapondwa ava — kusanganisira wazvino muroora wedu uyu.

“Tava nengozi mumusha medu idzo dzinoda kuripwa, saka tinoda kutaurirana nemhuri dzevanhu vakapondwa ava,” vanodaro.

Vanoti vakaviga mutumbi wemuroora wavo pasina mhirizhonga nekudaro vanotenda madzitezvara avo.

VaJoramu Mupaiki vanoti hapana ngozi yavati varipa pane vanhu vakapondwa nevana vavo ava sezvo vari kunzi naMambo Nyoka vatange varipa mombe mbiri nembudzi yemunongedzo nekuda kwekusvibisa nekudeura ropa kwakaitwa nevanakomana vavo mudunhu.

“Mambo wedu akatigarisa dare vakati tiripe mombe mbiri nembudzi uyewo titsvage mari yekuzoendesa kun’anga inotungamirira basa rekuchenura dunhu. Hatichaziva kuti ndisu tine mhosva here, vacho vakaponda vakasungwa uye vari kujeri,” vanodaro.

Vanoti havasi kufara nemabatirwo avari kuitwa namambo wavo inova nyaya yavanoti vakakwidza kune mukuru wemadzimambo muZimbabwe, Mambo Fortune Charumbira.

VaKudakwashe Mutamiri Mupaiki (50) vanoti mumhuri mavo vave kugara vachitya nekuda kwenyaya yehumhondi hwakaitwa nevanakomana vavo.

“Tiri kutambira ngozi dzose dzakaparwa nevana vedu, asi chave kunetsa mambo wedu vakatigadza dare vakatipa mutongo wekuripa mombe mbiri nembudzi nemari pamusoro. Vakati vanhu havachada kutiona mudunhu ravo vachiti kune vanhu vakauya kwavari vachiti vaida kutiisira muchetura mumvura nekutipisira mudzimba.

“Mambo ava vakatiwo vanhu vemudunhu ravo vari kuti tinofanirwa kunokandwa mumvura kana kuendeswa musango rizere mhuka. Isu ndisu tadii? Vakapara mhosva vakavharirwa,” vanodaro.

Junior Mutamiri Mupaiki (44) – uyo vanova tete vaBryn naTafadzwa – anoti nyaya yehumhondi iyi yavashaisa mufaro.

“Amai vedu, Gogo Esnathi Mupaiki (80) nababa vasara, Sekuru Fannuel Mupaiki (81) vashaya nezano nekuda kwenyaya yevana vapanduka kuita mhondi. Izvi tinoti zvakatangwa nehama yedu,” vanodaro.

Vanoti munguva pfupi yadarika, kune imwe hama yavo yepadyo yakauya nesaga renyimo iro rakangosvikosiiwa pachivanze chavo achishevedzera kuti vazosara vachibikira vana zvavanoti zvine chekuita nehuroyi.

Mambo Nyoka, VaNewton Musafare Matizha, vanoti zvose zvavari kuita kumhuri yekwaMupaiki zviri mubumbiro remitemo yehutongi hwemadzishe.

“Vanhu vemudunhu rangu havachada kuona vanhu ava, ndini samambo ndiri kutodzivisa kuti vanhu vasatore mutemo vachiisa muhomwe dzavo uye kuripa kuripo pachivanhu, kwese-kwese zvinoitwa,” vanodaro.

Mambo Charumbira vanoti nyaya yekutsutsumwa kwemhuri yekwaMupaiki vakainzwa uye vachaongorora nezvayo.

Share This:

Sponsored Links