Uncategorized

mhuri isina shamwari, kana hama

27 Jul, 2018 - 00:07 0 Views
mhuri isina  shamwari, kana hama bty

Kwayedza

‘Tinoziva Zanu-pf’

Kingstone Mapupu

KANA kuri kumhuri yaKempton Mutambara, chakabaya chikatyokera!

Zvavaiita baba vavo vachiri vapenyu, inongova ngoma ndiyo ndiyo — munhu wose anobva kunze kwemusha wavo imhandu. Hakuna zvekuti ihama yepedyo, kungosvika bedzi pamusha pavo, “munhu ngaarohwe”.

Makore mana Kempton Mutambara afa, mhuri yaakasiya pasina kana ani zvake anosvika pamusha pake kuChimaninimani iri kurusimudzira — haisi kudyidzana neveruzhinji. Imhosva, kana sabhuku chaiye kusvika pamusha wavo!

Anosvikapo anenge achitsvaga kudashurwa. Zviya zvekunzi kune mapurisa imwewo nyaya.

Mutambara akaita mbiri nekugara kwemakore akawanda asingadyidzane neveruzhinji uye apo ainge achiri mupenyu, akaudza Kwayedza kuti akatombodashura kurova ambuya vake amai vemudzimai wake apo vakavabvakachira. Akavakutsirana nemudzimai wake nevana.

Pavamwe vanhu vaakarova “varasikira” nemumusha kwake, mumwe murume aidawo kubvunza nzira inomusvitsa kuBocha. “Aiwa takamurova kani. Zviya zvekuti ainge arasika achida kubvunzira zvakashaya basa, munhu takamurova . . .,” akaudza Kwayedza mazuva iwayo.

Mwadzirasha Mutambara

Pose paaitsanangudza marovero avakaita vanhu ava, ainge achitosekerera kuratidza kuti anoita zvakanaka.

Mumwe wevanakomana vake akamuponda nenduni apo akaonekwa achiedza kutaura nevanhu vekunze, mutumbi wake ndokuuviga mumadziro emba yake. Iyi ndiyo yakazomuita kuti asungwe akanopika jeri.

Mushure mekushaika kwemurume uyu — uyo aizviti ndiye “Mambo Mutambara mbune” — mudzimai wake akasara nevanasikana nevanakomana pamusha uri pedyo negomo reGuhune, mumahombekombe merwizi Umvumvumvu.

Mhuri iyi haisati yasiyana nemaitiro ayo — vanotaura vanoti zvekusada kudyidzana neveruzhinji zvatonyanya.

Svondo rapera Kwayedza yakazvionera apo yakashanyira mhuri iyi ichiperekedzwa nemapurisa epakamba yepaCashel Valley, kuChimanimani, kwakare.

Mapurisa ari kunze kwemusha waMutambara

Mapurisa akaperekedza vatori venhau kumusha waMutambara vanosanganisira Sergeant Major Kuvasekera, Sergeant Bako, Constable Havadi naConstable Mujaji, avo vanoshandira kuchikamu chinoona nezvekudyidzana neveruzhinji.

Vatori venhau nemapurisa vakasvika ndokumira  kunze kwemusha waMutambara uyo wakakomberedzwa neruzhowa rwusingapinde kana mbudzi ndokushevedzera vari kunze.

Pakatanga kubuda vanasikana vaviri — vatova vakadzi vakuru — avo vanonzi havana kuroorwa. Vakazotevera naamai vavo, Tamari Mutsawu Nezandonye.

“Ndiyani? Muri vanaani, munodei? Kwakanaka here?” mibvunzo yakaita kunaya mumwe wevanasikana ava aitaura nehasha.

Sgt Kuvasekera vakazivisa nezvevayenzi vose nemazita avo uye mabasa avo zvose nechinangwa chavo. Mapu

risa aiva nembatya dzebasa vaiva vaviri chete, izvo zvakaita kuti madzimai aya asavimbe nezvavakaudzwa.

“Ko, tiri kungoona vane mbatya vari vaviri chete wani? Taurai chokwadi nekuti mukoma wedu mukuru pano haapo. Taurai chamuri kuda,” anodaro mumwe wavo.

Mumwe wevanasikana vemhuri yaMutambara

Mukoma mukuru aitaurwa aiva Matekenya (46).

Zvisinei, madzimai aya pavakazoziva kuti pakati pemapurisa paiva nevatori venhau veKwayedza, vakabva vakwidza hasha dzavo.

“ZveKwayedza pano hatidi! Hatidi zvemapepa, takanyorwa kakawanda tichinzi tichabatsirwa asi hapana chatakawana.

“Zvitupa chaizvo hatina, hatidi kutaura nemi, kunyangwe mukoma dai vanga varipo havaibvuma nekuti ndizvo zvatakawirirana. Munonyora zvamunonyora mozoguma mave kuita kuti tibirwe pano,” anodaro mumwe wavo.

Vamwe vanoti mhuri iyi yave kunamata kuchechi yeJohane Masowe eChishanu munzvimbo iyi uye payakashanyirwa apa vakazozivana nemumwe mupurisa aivapo uyo anopinda chechi iyi zvikaita kuti nhaurirano imboita zvakanaka.

Madzimai aya akazokumbirwa nhamba dzenhare yemukoma wavo wavaiti aisavapo, idzo vakaramba nadzo.

“Hatikupei nhamba dzamukoma, kunyange tikakupai hatidavire vanhu vose vose nenhamba dzatisingazive. Tinodavira nhamba dzaVaMafaka bedzi vatinoziva,” anodaro mumwe wavo.

Inspector Mafaka ndivo mukuru wemapurisa pakamba yeCashel Valley.

Panguva iyi, imwe hanzvadzi yavo duku inonzi Mwadzirasha (43) akabva asvika achimhanya akabata cheni mumawoko ndokusvikomira nechekure achibvunza kuti kwaiva kwakanaka here.

“Kwakanaka here? Ndimi vanaani? Imi mapurisa ndakuzivai, ko avo ndevapi? Ndeve bato ripi? Isu tinoziva ZANU-PF, kwete vaye. Ko masoja akasunungura nyika vari kupi?” anodaro achibvunza mibvunzo pasina mhinduro.

Sergeant Major Kuvasekera

Mwadzirasha akazoziva kuti paiva nevatori venhau ndokurambawo zvachose kuti vataurwe navo semhuri.

“Munonyora mapepa enyu hapana chinotibatsira, takabhadhara mari dzekupihwa zvitupa asi hapana chakabuda. Taneta nekufamba, baba vedu vakasiya vazvitaura izvi, kuti tisiyane nazvo.

“Vamwe vedu pano vakatorwa vakaendwa navo hatizive kwavari, vanongonzi vakaendeswa kumba kwevanhu. Hatidi vatengesi pano nekuti sekuru vedu vakaramba kubatwa chibharo nevarungu vakatadza kunzwanana navo,” anodaro.

Vemhuri iyi vaisabuda kunze kwemusha wavo wakakomberedzwa neruzhowa rwenzimbe dzakaoma umo vanowana zvose kuburikidza nekurima.

Kare mhuri iyi yaiita hupfu hwekudzvura chibage vachidya muriwo usina mafuta uyo vaiisa sauti yekugadzira kubva mumichero uye vachikuya dovi kubva munzungu. Nyama vanongouraya huku nembudzi dzavo izvo zvinongova fararira pamusha uyu.

Vanasikana nevanakomana vepo havasangane nevamwe izvo zvinoshamisa kuti vanogara sei panyaya dzekuti varoorwe kana kuroora nekuwanawo bonde.

Pane fungidziro huru inoti mhuri iyi ingangodaro ichiita makunakuna vachidanana pachavo sezvo paine mashoko anoti pamusha apa panoonekwa vana vachiri vaduku.

Munyaya yakamboburitswa neKwayedza makore adarika, Kempton akabvuma kuti aiva arova ambuya vake amai vemudzimai wake uyewo achiti vanorova vanhu vanongodarika nepamusha wavo vachivati vatengesi.

Kuburikidza nekusada kuti vana vake vasadyidzane neruzhinji, Kempton akamboenda kujeri nemhosva yekuponda mwanakomana wake Garamuchiziva, uyo akafa aine makore 20 okuberekwa.

Garamuchiziva anonzi akarohwa achipomerwa mhosva yekuti aiva nenungo uye kuti ainge akwazisa mumwe munhu aidarika nekunze kwemusha wavo pazuva reKirisimasi. Nhasi uno guva raKempton riri muchivanze chemusha wake pamwe chete neremwana waakaponda uyewo neraMukorangebhachi.

Mhuri yaMutambara — iyo inogara yakapakata rekeni, matemo nemapfumo kuitira kuzvidzivirira — haibvumidze zvachose kuti vanhu vadarike nepedyo nemakuva aya sezvo vachifungira kuti vanozonokora ivhu repo voroya mhuri yavo.

Mutevedzeri wemutauriri wemapurisa kudunhu reManicaland, Asst Insp Luxson Chananda, vanoti vana vatatu mumhuri iyi – Munyavhi, Samuel naMwadzirerutsa — vakatorwa nebazi reSocial Welfare.

Samuel anonzi ari kuita dhigirii rake kune imwe yunivhesiti muno, Mwadzirerutsa akatoroorwa kuchiti Munyavhi achiri kuchikoro.

Vana vemhuri iyi vose nehukuru hwavo sekutaura kwemapurisa vanoti Matekenya (46), Mwadzirasha (43), Mazodaani (43), Marwei, Mwadzirerutsa, Munyavhi, Mukorangebhachi, Patience naSamuel.

Mapurisa vari kuvimbisa kubatsira mhuri iyi panyaya yekuti vakwanise kuwana magwaro ekuzvarwa pasina dambudziko sechichemo chavakapa uyewo nekuti vacharamba vachigara navo pasi kuti vadyidzane neveruzhinji pasina dambudziko. Vatori venhau nemapurisa vakadzokera vasina kupinda mumusha sezvo mhuri iyi yakatsika madziro ichiramba kuti vapinde mumusha uyu.

Musha wemhuri iyi uri kumucheto kweminda yekudiridzira yeCashel Valley apo vanorima pamadiro vachidiridzira zvinoita kuti vasaite nzara.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey