Midziyo yemumba

29 Jul, 2016 - 00:07 0 Views

Kwayedza

Ticha Danga

GAPU rechembere chitaurirwa mbare dzekumusana. Zvinoda wanombora kuti ugozvitsanangudza. Ukapusa unozviruma rurimi. Ndinodaro nekuti gapu rechembere rinonaka chose.Gapu ratiinaro rwendo rwuno igapu redzokorodzo iro richabata twakasiyana siyana. Tichanyanyonangana nemazita anopihwa dzimba dzavanhu nedzemhuka.

Hatitangei nekutarisa midziyo yatinoshandisa pamusha. Kana tiri mumba tinochengetera hupfu mudenhe. Mvura yatinonwa inochererwa nekuchengeterwa muchirongo. Kana toda kunwa mvura kubva muchirongo tinochera nemukombe uyo unogadzirwa nemapudzi akaomeswa. Haisi mikombe yese inogadzirwa nematende. Mimwe inogadzirwa nemiti.

Sadza rinopambirwa nemusika rozomonwa nemugoti. Kana ropakurwa kunoshandiswa mugwaku.

Sadza iroro rinobikirwa mushambakodzi kana kuti tsaiya. Muriwo kana kuti usavi hunobikirwa muhadyanga. Vamwe vanoti mbiya vachireva hadyana asi chokwadi ndechekuti mbiya indiro inopakurirwa muriwo. Kana sadza ropakurwa ndiro inoiswa rababa inonzi gunere kunyanya inenge iri yemiti. Ndiyo zvakare inopakurirwa mambo. Vamwe vose vanopakurirwa musadarara husavi huchiiswa mundiro fombe.

Mombe dzinokamirwa mukaka muhwedza asi unozokodzekerwa muhodzeko kana kuti chingo. Hodzeko nehwedza zvakasiyana nekuti hwedza mudziyo wemuti unovezwa zvakada kufanana nekaduri kadiki. Hodzeko yave hari yakaumbwa.

Mafuta ekuzora anochengeterwa muchinu. Chinu ichi mudziyo unogadzirwa nedende. Kare mafuta emuchinu aibva mukusvinwa kwenzungu. Mazuva ano kunogona kungotorwa emuzvitoro odirwa imomo. Uyu mudziyo wakakosha kunyanya paya panoroorwa mukadzi nekuti paanonopa mvura kuvakarahwa kana varamu vanofanira kuzora mafuta emuchinu. Chero paanoshaya vamwe vana tezvara vanotoda kuona chinu ichocho.

Tswanda mudziyo unowanikwa pamusha. Mudziyo uyu unogadzirwa netsanga kana pfeyo. Tswanda dzinosiyana zvichienderana nehukuru. Kune dengu inova tswanda huru inotakurirwa zvirimwa zvakaita sezviyo, mupunga kana mhunga kunozoitawo sandanga kana kuti sengende. Uyu midziyo mukurusa unoiswa pechirei kutakurisa mbeu pakukohwa.

Doro rinobikirwa mugate kana mumhirimo. Idzi ihari huru dzinovambirwa mhanga yehwahwa kusvika yavira.

Kana tonosunga mombe tinoshandaisa chitorobho icho chinogadzirwa neganda redzimwe mombe dzinenge dzaurayiwa. Chitirobho chinoitwa zvokumonwa dehwe ririnyoro chozoiswa pachikeyi kumoneredza huro yemombe. Kana mombe dzotinhwa kunoshandiswa tyava icho chinogadzirwa nedehwe kana nemakavi. Chamboko ndiro rimwe zita rinoshandiswa kureva tyava.

Tinoshandisa duri nemutswi pakutswa. Zvatatswa zvinogona kuda kuurutswa kana kupepetwa. Ndipo tinotora tsero. Kutswa kunosiya mbesa dzisina kutsetseka nekudaro tinotora guyo nehuyo kuti tichikuya sedovi nehupfu hwezviyo.

Share This:

Sponsored Links