Uncategorized

Migwagwa nemazambuko zvaparara kudunhu raMambo Chireya

06 Jul, 2018 - 00:07 0 Views

Kwayedza

MABASA ebudiriro mudunhu rekwaMambo Chireya, kuGokwe, anonzi ave kudzokera kumashure zvichitevera kuipa kwemigwagwa yeko izvo zvave kutadzisa motokari nemabhazi kufamba zvakanaka.

Mambo Chireya, VaHenry Chidzivo, vanoti dambudziko rekuipa kwemigwagwa iri iguru mudunhu ravo.

“Tine migwagwa inoti weNembudziya kuenda kuChireya Mission, Gulliver uchinosvika kuMashame, unobatanidza Gokwe nekuGulliver uyo unova wetara asi uine makomba-makomba, neunobva kwaNembudziya uchienda kuGandavaroyi, yose yashata zvikuru.

“Kudai magiredha afamba achivhara makomba zvingaite nani uye mazambuko achigadzirwa. Mimwe yacho yasvika makore anodarika 30 isina kumbogadzirwa,” vanodaro.

Mumwe wevagari vemunzvimbo iyi, Ngonidzashe Gwari (22) – uyo anovazve munyori wevechidiki kunzvimbo yeMasemo – anoti nekuda kwekuipa kwaita migwagwa yavo, hakumbofa kwakava nebuduriro inoonekera.

“Kuno migwagwa yose yakaparara uyewo tine mazambuko akakukurwa nemvura kare ayo asina kuzobvira akagadziriswa kusvika izvozvi,” anodaro Gwari. Rimwe remazambuko akadamburwa nemvura makore akadarika ndere murwizi Masahwi, iro rakatsemurwa nepakati zvekuti motokari hadzichakwanisa kufamba nepo.

Zambuko iri riri mumugwagwa unobva kwaNembudziya uchienda kwaChireya uchidarika nekumatunhu anoti Kahobo, Masemo uchizonosvika kuChireya Mission.

“Hakufambike nemota kuno, migwagwa yakapera kuparara uye mazambuko hakusisina. Tine migwagwa inosanganisira unodarika nekuZumba, Mashame uchinosvika kuMusambakaruma, kuHurungwe, asi hatichakwanisa kufamba nawo sezvo kusisafambe mabhazi kana motokari,” anodaro.

VaNathan Gwari (30) vemubhuku raKabanamana Shava vanotiwo dambudziko rekuipa kwemigwagwa rave kuita kuti vafambe netsoka sezvo kusisina makombi kana mabhazi anofambako.

“Kuno tinofamba netsoka kuita chinyakare chaicho zvekuti tine mamwe matunhu atinofamba makiromita anodarika zana tichirara mumisha yevanhu kana musango kuti unosvika. Kune njodzi yemhuka zvakare, kureva kuti vanhu vanenge vachizvipinza mutsekwende dzekudyiwa nemhuka dzesango,” vanodaro. Vanoti kubva kwaNembudziya kunosvika kuChireya Mission pane mutunhu wakareba makiromita 80 uye vatyairi vemotokari vakada kushandisa mugwagwa uyu vanogona kutora maawa mana kusvika kumashanu vachidzaratsara uye dzimwe nguva vamwe vachitadza kusvika motokari dzafa nekuda kwekuipa kwawakaita.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>