Mimwe mishonga yechivanhu inoita

01 Sep, 2017 - 00:09 0 Views
Mimwe mishonga  yechivanhu inoita

Kwayedza

MISHONGA yechivanhu yagara ichishandiswa mukurapa zvirwere zvakasiyana kubva nakare kunyangwe zvazvo paine vamwe vanoishora nekuda kwezvikonzero zvakatsaukana.

Kune mishonga yechivanhu inozivikanwa nekurapa zvirwere zvakaita semudumbu munenge muchirwadza uye mazuva ano vamwe vanachiremba vechivanhu vari kuti vanokwanisa kurapa gomarara.

Asi mishonga yechivanhu iyi kushandiswa kwayo kunotsoropodzwa nevamwe vachiti ndezvemweya yakaipa kana kuti madhimoni.

Chisingazivikanwe nevanhu vakadai ndechekuti mamwe mapiritsi avanotenga mumafamasi anogadzirwa kubva mumishonga iyi.

Mazuva ano kune vamwe vanachiremba vechivanhu vari kugadzira mapiritsi vachishandisa makwenzi.

Mapiritsi aya anotoongororwa nesangano rinoona nezvekutengeswa kwemishonga inorapa, reMedicines Control Authourity of Zimbabwe (MCAZ) kuitira kuti aonekwe kana asina njodzi kuutano hwevanhu.

Kana munhu akashanyira vanachiremba vakadai ava, anenge aine sarudzo yekuti anoda kunwa mushonga waanenge apihwa ari makwenzi here kana kuti ave mapiritsi anenge avandudzwa.

Zvakakosha kuti paitwe ongororo pamusoro pemishonga yechivanhu iyo inonzi inorapa zvakasiyana.

Tinogamuchira nemawoko maviri basa riri kuitwa nevadzidzi vepaUniversity of Zimbabwe vekuchikamu chezveongororo yechikafu (Sustainable Research for Food and Nutrition Security) avo vari kusimudzira kushandiswa kwemishonga yechivanhu kuburikidza nekuita ongororo yekukosha kwayakaita kuutano. Vadzidzi ava vari kugadzira mishonga yakasiyana inosimudzira utano hwevanhu kubva kumakwenzi echivanhu.

Mamwe emakwenzi ari kuvandudzwa anosanganisira muti weMoringa uyo unonzi unobatsira zvakawanda pautano hwevanhu.

Ongororo yakaitwa nevadzidzi ava inonzi yakaratidza kuti Moringa inokwanisa kugadziriswa zvinhu zvakasiyana zvakadai sesipo, mafuta ekuzora, pefiyumu nezvimwe. Basa riri kuitwa nevadzidzi vepaUZ iri rinoratidza pachena kuti haizi yose mishonga yechivanhu yakaipa sezvinofungwa nevamwe.

Kune vamwe vanoda kudyidzanidza mishonga yechivanhu nehuroyi pamwe nezvimwe zvine chekuita nemidzimu zvinove zvinodzosera kumashure budiriro yekushandiswa kwayo.

Vamwe vanachiremba zvakare havadi kuti mishonga yavanoshandisa pakurapa vanhu izivikanwe neveruzhinji vachitya kuti vanozotorerwa basa ravo. Makore adarika, pakamboitwa hurongwa hwekuti mishonga yechivanhu inge ichisimudzirwa uye ndokusarudzwa nzvimbo muguta reHarare yekuti irimwe asi hapana kana dzinde rimwe chete rakasimwa nekuda kwezvikonzero zvakasiyana.

Vamwe vanachiremba vechivanhu panguva iyi vaiti mishonga yavanoshandisa vanoita zvekurotswa nemidzimu saka kuidyara pajekerere inenge yafumuka haizoshanda sezvavanenge vachitarisira.

Zvisinei, chakakosha ndechekuti mishonga yechivanhu inge ichivanudzwa sezvo mimwe yacho ichibatsira pautano hwevanhu.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey