Uncategorized

Minana yoitika pachikoro

13 Jun, 2014 - 00:06 0 Views
Minana yoitika pachikoro MOTOKARI yaVaAdolf Jamela iyo inonzi yakangoerekana yabvira yoga nguva pfupi yadarika. — Mufananidzo: Nyasha Mutena.

Kwayedza

MOTOKARI yaVaAdolf Jamela iyo inonzi yakangoerekana yabvira yoga nguva pfupi yadarika. — Mufananidzo: Nyasha Mutena.

MOTOKARI yaVaAdolf Jamela iyo inonzi yakangoerekana yabvira yoga nguva pfupi yadarika. — Mufananidzo: Nyasha Mutena.

IMWE koreji iri kuZengeza 4, kuChitungwiza inonzi iri kuitika mamini-mini sezvo zvichinzi pakamboonekwa shato uye motokari yemuridzi wechikoro ichi yakatsva zvisina tsarukano izvo zvave kupa vamwe vanhu kuti vafunge kuti pane chinodariso. Pakoreji yeStrategos College panonzi zvakare nguva yadarika pakamboitika tsaona yekuwaranyurwa kwemarata zvisinganzwisisike. Mumwe mugari wemuZengeza 4, Custom Chagadama, wepanhamba 11837 Rushinga Street, anoti pakawanikwa shato pachikoro ichi ndiye akaibata akazoiendesa kune vekanzuru.

Anoti nyoka iyi yakazouya kuzotorwa neveParks and Wildlife Management uye yaive yakareba mamita 2,6 ikatadza kukwana musaga re50 kgs.

“Zinyoka randakabata raiva risiri rekutamba naro, raiva rakakura uye nyaya yekubvira kwemotokari ndeye chokwadi nekuti ndakatozvinzwa musi wazvakaitika,” akadaro Chagadama. Blessing Chakupa (27), akatsinhira achiti nyaya yenyoka yakaitika asi ane fungidziro yekuti sezvo chikoro ichi chakavakirwa mubani, nyoka iyi inogona kunge yakabva mudondo.

Mukuru weStrategos, VaPote Watambwa, vanoti nyaya iyi yakaitika, kusanganisira neyeshato, vachiti zvinhu zvakadai zvinoitika muupenyu asi zvisingarevi kuti zvinokonzerwa nekubata-bata.

Vakati nyoka yakaonekwa yaingovawo mumahuswa sezvo chikoro ichi chakavakirwa mubani uye yakatorwa neveParks and Wildlife Management.  Vakaramba nyaya yekuwaranyurwa kunonzi kwakaitwa marata epakoreji iyi.

“Ichokwadi kuti pano pakambowanikwa nyoka asi nyoka dzinongowanikwa mubani saka hapana chinoshamisa. Hongu, motokari yakatsva yakamira yega, isu takangozongoona kunganduma kwakaita moto, hatizivi chikonzero chacho,” vakadaro VaWatambwa.

Muhurukuro neKwayedza, muridzi wechikoro ichi, VaAdolf Jamela (61), avo vanogara panhamba 16 Dema Street kuZengeza 3, vakatsinhira kuti nyaya idzi dzakaitika.

“Motokari yangu yakatsva hongu asi ndinofunga kuti makanika haana kuigadzira zvakanaka nekuti ndainge ndisina mazuva 10 ndabva nayo kunogadzirwa. Yakangobvira pasina zvayainge yaita, yakamira,” vakadaro VaJamela.
Vakatsinhira zvekuti marata epachikoro chavo akawaranyuka vachiti izvi zvakakonzerwa nemvura yaive nedutu.

Share This:

Sponsored Links