Mirai muone: Khumalo

06 Jan, 2017 - 00:01 0 Views
Mirai muone: Khumalo

Kwayedza

MUIMBI wesungura ari kusimukira, Maxwell Khumalo, anoti nguva yake yekuzunguza indasitiri yemhanzi yasvika sezvo achiti ave nemakore akawanda achitsikisa mhanzi inodakadza.

Khumalo, uyo anotsigirwa nechikwata Cereal Mafaro Stars, akabura dambarefu rake rechipiri rinonzi Tichatikudiniko iro rine nziyo dziri kunetsa parizvino dzinoti Josefini, Makamutambira Sei naUsapindemo.

Muchinda uyu anoti ave kukwanisa kuzvimirira munyaya dzemimhanzi zvichitevera kutsikisa kwaakaita dambarefu rake rechipiri iri.

Anoti ari kutarisira kutanga kuita mashoo akazvimirira sezvo achiona chiedza mune ramangwana rake.

Khumalo anoti zvakakosha kuti muimbi wese avimbe nemhanzi yake kana achida kuenda kure.

“Ndave kuzunguza munyaya dzemimhanzi ndega, ndiri kuzvinzwa nekuzviona nekuti mhanzi yandakatsikisa iri padambarefu rangu haina kumira zvakanaka. Ndinozvionera kuti yave kumberi.

“Hakusi kuzvirova dundundu asi ini ndega ndakatora nguva ndefu ndikagara pasi ndichinyora mhanzi iyi zvekuti ndinozvinzwa kuti ndakabata basa. Zvangosarira kuvatsigiri kuti vape pfungwa dzavo nemaonero avanoita mhanzi iyi,” anodaro.

Khumalo anoti akasununguka kushanda nevamwe vaimbi vari kusimukira pamwe nevane mukurumbira vakaita saAlick Macheso, Jah Prayzah neSuluman Chimbetu.

“Ini hangu ndakazvipira chaizvo kushanda nevamwe vaimbi kuti tibike mhanzi inonakidza.

“Panosangana njere dzakawanda kazhinji kacho panobuda zvakanaka saka kushanda takabatana nevamwe vaimbi kunoburitsa zvakanaka,” anodaro Khumalo.

 

Share This:

Sponsored Links