Uncategorized

‘Mishonga yemunhu akafa iyo’

25 Jun, 2015 - 00:06 0 Views

Kwayedza

VANOTAURA vanoti muchinda ari kuti atambura nechikwama chaakapihwa nehama yake yepedyo anogona kunge ari mabasa emishonga yakaipa.

VaJonathan Shonhiwa Mupamombe (49) vekuChiredzi vanoti chikwama ichi chaiva nemhiko dzemishonga yakaipa sezvikwambo.

“Vakapa mwana uyu chikwama ichi vaitomusimbisa munyaya dzemishonga yekutsvaga basa nemari. Mishonga iyi inogona kuve yakagadzirwa ichisanganiswa neropa revanhu. Zvinotoda kuti chikwama ichi chinotorwa,” vakadaro.

Vakayambira murume uyu kuti aende kunozivisa munhu akamupa chikwama ichi nezvechiitiko ichi izvo zvinofanirwa kunotaurwa kun’anga yakavapa mushonga uri pachikwama ichi.

“Mwana uyu akarega kushandirwa kuti chikwama ichi chiwanikwe anogona kufa kana kugumisira ave kupenga nekuitawo mimwe minyama yekupomerwa zvinhu zvaasina kuita. Chikwama ichi chikawanikwa chinofanirwa kupiswa nemishonga,” vakadaro.

VaThomas Yakiti Mukunguta (43) vekuChitungwiza vanoti chikwama ichi chaiva nemishonga yekushava kana kuti yechikwambo chakagadzirwa neganda remunhu akafa. “Kureva kuti mwana uyu aitofamba nemunhu akafa kana kuti dumwa,” vakadaro.

Vakakurudzira kuti aende kumachiremba echivanhu uko anonopihwa mishonga inoita kuti adzokere kuSouth Africa kuti anokwanisa kuwana chikwama ichi.

“Chikwama chakadai chinoda ropa nguva nenguva kuti chirambe chichipa mari kune akachipihwa uyu,” vakadaro.

Share This:

Sponsored Links