Misika yefodya yoenda kuvarimi

05 Jan, 2018 - 00:01 0 Views
Misika yefodya yoenda kuvarimi

Kwayedza

Muchaneta Chimuka
GADZIRIRO dzekuti misika yefodya (tobacco auction floors) inge ichipinda muvarimi dzave padanho repamusoro uye parizvino kambani yeTobacco Industry and Marketing Board iri kuita ongororo yenzvimbo dzakakodzera kutengeserwa fodya kumativi mana enyika.

Kuendeswa kwemisika munzvimbo dzinogara varimi uku kuri kutarisirwa kutanga mumwaka wekutengeswa kwefodya wa2018. Matanho aya ari kutorwa nedonzvo rekuderedza matambudziko anosangana nevarimi apo vanotengesa fodya yavo kumisika yakasiyana muguta reHarare akadai sekudhurirwa nezvifambiso pamwe nekubirwa nemakoronyera.

Mukushi wemashoko kuTIMB, VaIsheunesu Moyo – avo vanova corporate communications manager – vanoti vemakambani nemisika mizhinji uye vanoona nezvemakondirakiti vari kutsigira chirongwa ichi chekuti misika yekutengesera fodya inge ichiwanda kunze kweHarare.

“Kuendesa misika kunzvimbo dziri pedyo nevarimi kwakakosha nekuti kunoita kuti vasatora nguva ndefu vari mumisika apo vanoenda kunotengesa fodya yavo. Zvichabatsira zvakare kuti varimi vachange vave kutengesa fodya yavo mumisika iri muHarare vave vashoma uye havazorasikirwi nemari yakawanda pakutakura fodya ichienda kumisika iri kure. Chirongwa ichi chiri kutogadzirirwa uye takatoita ongororo munzvimbo dzakadai seMvurwi, Karoi neRusape saka tichaona kuti nzvimbo idzi dzinoita here. Kutanga kwemwedzi waNdira, tichaita ongororo yepiri tichigadzirisa zvinodiwa,” vanodaro.

Kana chirongwa ichi chikabudirira varimi vefodya vazhinji vachava nenyevenutso mupfungwa sezvo vanenge vasisina dambudziko rezvifambiso zvekuendesa goho ravo kumusika.

Ongororo yakaitwa neTIMB inoratidza kuti varimi vanodarika 112 546 vakanyoresa kurima fodya mumwaka wa2017-18 uye huwandu hwevarimi ava hwakawedzera nechikamu che40 percent kana zvichienzaniswa ne80 327 avo vakanyoresa munguva imwe chete iyi gore rapera.

Mwaka wadarika, Zimbabwe yakabura makgs 183 miriyoni efodya apo chikamu che20 percent chayo chakatengeswa nenzira yemaokisheni.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey