Mitambo kumaruwa yosimudzirwa

05 Oct, 2018 - 00:10 0 Views
Mitambo kumaruwa yosimudzirwa Tim Trombus weClasswave Investments (kubva kuruboshwe), Cromen Zinyama weRamah Sports Academy, Ray Funani naP Moyo (Classwave Investments) svondo radarika apo paipihwa Ramah Sports Academy zvekushandisa mumitambo yakasiyana, kusanganisira cricket.

Kwayedza

Abel Ndooka

SANGANO rakazvimirira reFunani Foundation rosimudzira vechidiki vekumaruwa vane matarenda mumitambo yakaita secricket, rugby, nhabvu, tenesi nehockey kuburikidza nekuvapa zvekushandisa pamwe nekuvadzidzisa.

Mitambo yakaita secricket, hockey kana tenesi kazhinji inozivikanwa ichinzi ndeyevana vanodzidza kuzvikoro zvakasimukira.

Mutungamiri weFunani Foundation, Ray Funani, anoti chishuwo chesangano ravo kupa mikana kune vana vari kumaruwa kuti varakidze matarenda avo mumitambo iyi.

“Kune vana vakawanda vanogara kunze kweHarare vane matarenda anonwisa mvura mumitambo yakaita serugby, cricket, hockey netenesi asi kuzvikoro zvavo kana kunharaunda hakuna kwekuitambira. Saka isu tiri kuda kuvawanisa mukana wekuti vaidzidzire uye varakidze nyika nepasi rese tarenda ravo.

“Chimwe chikonzero ndechekuti takaona kuti kunze ikoko ndiko kune vanhu vakawanda saka tikashanda navo tinowana vatambi vane tarenda tovabatsira kuti ribikwe,” anodaro Funani.

Anoti parizvino sangano ravo riri kubatsira zvikwata zviri kunzvimbo dzakadai seHwedza, Mhondoro neGoromonzi uko riri kushanda nevarairidzi vemitambo iyi kudzidzisa vechidiki.

Anoti vari kushandawo nevamwe vemasangano akadai seClasswave Investments avo vari kuvabatsira nezvekushandisa zvemitambo yakasiyana.

Svondo radarika, Funani Foundation – kuburikidza neClasswave Investments – yakabatsira chikwata cheRamah Sports Academy nekuchipa zvekushandisa mumutambo wecricket.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>