MITAMBO

11 Aug, 2017 - 00:08 0 Views
MITAMBO

Kwayedza

Abel Ndooka —
KAPUTENI wechikwata cheCAPS UNITED, Hardlife ‘Nairobi’ Zvirekwi, anoti vari parunamanzombe sezvo vari kurwira kuti vasaburitswe muPremier Soccer League.

Kutanga kwemwaka uno, vatsigiri vazhinji vaitarisira kuona Kepe-kepe ichirwira kuchengetedza mukombe wayo wePSL uyo wakahwina gore radarika asi zvakazoenda nepamwe uye chikwata ichi chiri kutatarika zvikuru mumitambo yacho.

“Mwaka uchitanga taiziva kuti zvichange zvakaoma nekuti wadarika taitamba zvinonwisa mvura saka mwaka uno zvakatiomera zvikuru uye chatiri kuda kubuda pazvikwata zvepasi.

“Zvakazoomawo nekuti mitambo yacho yainge yawandisa tichiverengera neyeCAF Champions League,” anodaro Zvirekwi.

Zvakadai, kuchitariswa palog, CAPS UNITED ine mitambo yakawanda yaisati yatamba uye ine mukana wekusimuka asi hunge ikahwina yose yasara.

Zvimwe zvikwata kusvika parizvino zvatamba mitambo 20 asi Kepe-kepe yakwanisa kutamba 14 chete sezvo yaimbokwikwidza mumakwishu eCAF Champions league.

“Mitambo inogona kunge yakawanda asi hatizive tikaihwina yese uye nguva hapasisina nekuti tinogona kupedzisira tave kutambiswa mitambo yakawanda pavhiki rimwe chete kuti tienzane nevamwe,” anodaro Zvirekwi.

Anoti iye sakaputeni wechikwata chavo ari kuzviona kuti matambiro avari kuita mwaka uno haasi kuvagutsa.

“Zvinozonyadza kunzi taburitswa muPSL isu mwedzi yadarika taipembera tahwina saka tiri kutoshanda zvakasimba kut tihwine. Apa mitambo yacho iri kuuya yakawandisa uyewo nerimwe divi nguva yacho ndiyo diki yatiri kufanirwa kutamba mitamba yacho yose.

“Munhu wese anoziva kuti matambiro edu ndeepamusoro uye aya handiwo atinozivikanwa tichitamba,” anodaro.

Svondo radarika, chamangwiza weCAPS UNITED, Cuthbert Chitima, akati mutambo weCAF Champions League wakavaparira sezvo vakambopedza nguva vari kumakwikwi aya zvave kuita kuti vawandirwe nemitambo yemuPSL.

Share This:

Sponsored Links