Uncategorized

Mitengo yezvinhu yoongororwa

19 Oct, 2018 - 00:10 0 Views
Mitengo yezvinhu yoongororwa Cde Mutsvangwa

Kwayedza

Daniel Nemukuyu

HURUMENDE iri kuongorora mitengo yezvinhu zvakasiyana kubvira uko kwazvinogadzirwa kusvikira apo zvinozotengeswa muzvitoro nedonzvo rekuranga nhubu dziri kukonzera kukwira kwemitengo zvisina tsarukano.

Hurumende yakaita chisungo zvakare chekuti maindasitiri anogadzira zvakasiyana nevamwe vane basa rekufambisa zvinoshandiswa neveruzhinji mazuva ose uye nevemishonga yekurapa vadzokere pamitengo yaiveko nguva yadarika.

Vachitaura kuvatori venhau mushure memusangano weCabinet nemusi weChipiri svondo rino, gurukota rekuburitswa kwemashoko nenhepfenyuro, Cde Monica Mutsvangwa, vanoti Hurumende ichatora matanho akasimba ekuranga nhubu dziri kukonzera kukwira kwemitengo yezvinhu.

“Hurumende yaita chishungo chekuti inofanira kutora matanho akasimba ekuranga nhubu dziri kukonzera kukwira kwemitengo yezvinhu, izvo zviri kukonzera kuti veruzhinji vaomerwe,” vanodaro.

Vachitaurawo pamusoro penyaya imwe chete iyi, gurukota rezvamaindasitiri nekutengeserana, Cde Mangaliso Ndlovu, vanoti nhubu dziri kukonzera kukwira kwemitengo dzinogona kutemerwa zvirango zvinosanganisira kusawana rutsigiro rwemari yekunze kubva kubhanga guru renyika reReserve Bank of Zimbabwe (RBZ). Vanoti Hurumende iri kushusikana zvikuru nemamiriro ezvinhu aya, ayo ari kuona veruzhinji vachibhadhariswa mari dzakawandisa pakutenga mishonga yakasiyana yekurapa pamwe nezvinhu zvavanoshandisa mazuva ose kwemasvondo maviri adarika.

“Tiri kuongororo zvakare nyaya dzemitengo, kunyanya kune avo vari kuwana rutsigiro rwemari yekunze,” vanodaro.

Hurumende yakaita musangano nevemaindasitiri anogadzira zvakasiyana pamwe nemamwe mapoka avo vari kuwana rutsigiro rwemari yekunze kubva kuRBZ ndokuwirirana kuti mitengo yezvinhu inofanirwa kuve yakaringana.

Nguva yadarika, RBZ yakapa $41 miriyoni yekutenga mafuta edzimotokari, $6 miriyoni yefetireza nemishonga yekurimisa, $6,7 miriyoni yekutenga mishonga yekurapa, $5 miriyoni yemafuta ekubikisa, pakati pezvimwe zvinhu.

Dare reCabinet ranokurudzirawo veruzhinji kuti vasiyane nekatsika kekuhodha zvinhu.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey