Mitupo, zvidao nemadzinza

21 Jun, 2014 - 18:06 0 Views

Kwayedza

ZVAKANAKA chose kuti takawanda tinoziwa mitupo yedu; asi dambudziko rinouya pakusaziva zvidao zvedu nemadzinza acho. Zvidao ndizvo zvinodudza madaidzirwo nemarumbidzirwo emitipo kuchizoti dzinza ndiko kwabva verudzi irworwo. Kuziva zvidao zvedu zvinoita kuti tidade nemitupo yedu uye tikazivawo zvidawo zvevamwe hatizonetseki kana topindura mibvunzo.

Chikamu chino tinotarisana nekwatakabva kubudikidza nemitupo yatichadzidza nemadzinza acho. Ndati nditange nevaera shava avo vane mipatsa kana mabandiko anosvika mapfumbamwe kana kudarika.

Kune avo vane chidawo cheMwendamberi. Vaera shava ava vanozvitsaudza mune dzimwe shava vachiti tinobva kwaChivero nekudaro dzinza ravo ndere Chivero.

Kunozot shava yevaHera. Iyi inomira yega nekuti ndiyo ine chidawo cheMuseyamwa. Zvinobva zvasiyana neshava yedzinza raChiweshe.

Iyi ishava yechidao cheMutenhesanwa. Imwe shava ndevaya vechidao cheMufakose vedzinza raHwata.
VaChamaya ndivana shava vechidao cheNyakudirwa. Havagumiri ipapo vaera shava nekuti kune vamwe vavowo vachizvitutumadza kuti ndevedzinza raNyamweda kana kuti Muami. Ava ndivo vechidao cheZuruvi. Kune dzimwe shava zvakare dzine chidao cheZuruvi. Ndidzo shava dzedzinza Mukami.

Kunozoitawo vaera shava vari vechidao cheVhuramavi. Ava ndivo vedzinza rekwaSeke. Ndiko kupatsanurwa kwakaita vana shava zvimwe zvichikonzerwa nekubvutirana hushe kana kuroorerana.

Chivanhu chinoti kunenge kuine zidzinde guru rekutanga reshava kozoita vamwe.
Shumba dzinodzvovawo nekwadzo dzichiita yadzo mipatsa inopfuura mitanhatu. Kune vaera shumba vedzinza reChirumhanzi vari vechidao cheMhazi. Vana shumba veMhazi vakapatsanurana nana shumba veNyamuzihwa.

Vana Nyamuzihwa ndevedzinza reNenguo. Shumba Mhazi yakasiyana neNyamuzihwa pakuti Mhazi ndeye dzinza revaGonera.

Kunewo shumba yedzinza reChivi. Iyi shumba ndeyechidao cheMurambwi.
Dzinoenda mberi shumba dzichidamburana kuchibudawo ana shumba vechidao cheMuguriri. Ivava ndivo vedzinza reNemanwa. Kunopedzisira nevaera shumba vechidawo cheSipambi. Ava ndevedzinza raCharimbira.

Vaera moyo havasaririwo, vanowanikwa vari mumipatsa inosvika misere. Kune vechidao cheMoyondizvo vanowanikwa vari paviri asi vanozosiyaniswa nemadzinza avo. Imwe Moyondizvo ndeye Varozvi imwe yacho iri yedzinza raJiri. Moyo Moyondizvo yetatu ndeyeRuzani.

Kune imwe moyo yechidao cheMuzukuru iyo ine dzinza raMangwende. Inosiyana nemoyo yechidao cheZuruvi ine dzinza raNyamweda.

Kune imwezve yechidao cheZvarevashe. Vanozvitutumadzawo vachiti ndezvedzinza raNyajena. Kunozouya vechidao cheSinyoro. Ava ndivo vana moyo vevaNjanja.

Vana moyo vanoenderera mberi vachizvipawo rimwe bandiko revaya vedzinza revaDuma. Ava ndivo vanozivikanwa nechidao chekuti Makumire.

Pandatsanangudza vana moyo ndanga ndasiya vamwe vaya vedzinza reRuzani. Tichaenderera mberi tichitarisa mimwe mitupo muzvikamu zvinotevera.

Share This:

Sponsored Links