Mizinda yemabasa yopera kuvakwa

08 Feb, 2019 - 00:02 0 Views
Mizinda yemabasa yopera kuvakwa Prof Mavima

Kwayedza

Rejoy Masengedzero
KUVAKWA kwemizinda yekudzidzira mabasa emawoko (innovation hubs) inosvika mitanhatu muzvikoro zvepamusoro munyika yose kwave pedyo nekupera. Mashoko aya akaziviswa negurukota redzidzo yepamusoro, sainzi nekuvandudzwa kweruzivo rwemichina, Professor Amon Murwira svondo rapera. Vanoti mizinda iyi ichavhara mikaha iripo pakati peruzivo rwemupfungwa nehunyanzvi hwekuita mabasa.

“Tinozvininipisa tichizivisa kuti Hurumende yapedza danho rekutanga rekuvakwa kwemizinda iyi muzvikoro zvedzidzo yepamusoro zvitanhatu muZimbabwe uye inotarisirwa kubatsira vadzidzi kuti vazive mabasa emawoko anodiwa mumaindasitiri,” vanodaro.

Vanoenderera mberi vachiti, “Tine kushomeka kweruzivo rwemabasa emawoko nechikamu chinosvika 57 percent sezvo ruzivo urwu rwuri pa38 percent asi kugona kuverenga nekunyora kuri pa90 percent.”

Prof Mavima vanoti matambudziko akatarisana nenyika munyaya dzeupfumi anokwanisa kugadziriswa kuburikidzwa nekuvandudzwa kwedzidzo yepamusoro.

Vanotizve fundo yemuZimbabwe yagara iine mabandiko matatu anoti kudzidzisa, kuita tsvakurudzo nekudyidzana nenharaunda.

Prof Murwira vanoti vari mushishi kuvandudza dzidzo iyi kuti ive nemamwe mabandiko anosanganisira ruzivo rwakadzama rwemabasa emawoko nedonzvo rekusimudzira indasitiri.

Midlands State University neChinhoyi University of Technology zvakatopedza kuvakisa mizinda yekudzidzira mabasa emawoko.

Share This:

Sponsored Links