Modzivirirwa typhoid

31 Aug, 2018 - 00:08 0 Views
Modzivirirwa typhoid Dr Manangazira

Kwayedza

Paidamoyo Chipunza

VANHU vanodarika 300 000 vane mwedzi mitanhatu yekuberekwa kusvika pamakore 45 vekuMbare, Glen View, Kuwadzana neBudiriro vachange vachibaiwa majekiseni ekudzivirira utachiona (bacteria) hunokonzera chirwere chetyphoid mumwedzi waGunyana uno.

Chirongwa ichi chiri kuuya panguva iyo vanhu vanosvika vasere vafa kusvika pari zvino nekuda kwetyphoid kuGweru.

Mukuru anoona nezvekudzivirirwa kwezvirwere mubazi rezveutano nekurerwa kwevana, Dr Portia Manangazira vanoti kudzivirirwa kwechirwere ichi kuchaitwa kuMbare, Glen View, Kuwadzana neBudiriro zvichitevera kunyuka kwechirwere ichi munzvimbo idzi mumakore adarika.

Chirwere chetyphoid chinowanzonetsa mumwedzi waGumiguru kusvika Kurume.

Dzimwe nzvimbo dzine mukurumbira wechirwere ichi, idzo dziri kutarisirwawo kubaiwa majekiseni edziviriro aya dzinosanganisira Hopley, Stoneridge, Caledonia, Hatcliffe neDzivarasekwa.

Dr Manangazira vanoti ongororo inoratidza kuti nyaya dzetyphoid isingadavirane nemishonga dziri kuwedzera uye dziri kuwanikwa kumisha yakaita seKuwadzana.

“Ichi ndicho chikonzero tiri kuramba tichitora matanho ekuti tideredze chirwere ichi kuburikidza nekubaya vanhu majekiseni ekudzivirira typhoid pamwe nekukurudzira vemakanzuru kuti vawanise vanhu mvura yakakwana uye yakachena,” vanodaro Dr Manangazira.

Vanoti magwaro anoratidza kuti nzvimbo dzakaita sekuMbare chirwere chetyphoid chiri kukanganisa vanhu vemazera ose nokudaro zvakakosha kuti vana pamwe nevanhu vakuru vange vachibaiwa majekiseni asi mune dzimwe nzvimbo chirwere ichi chiri kubata zvakanyanya vana vane mwedzi mitanhatu kusvika pamakore 15 ekuberekwa.

“Mushure meongororo iyi, takaona zvakakodzera kuti tibaye majekiseni ekudzivirira chirwere ichi kuvana vane mwedzi mitanhatu yekuberekwa kusvika pamakore 45 asi kune dzimwe nzvimbo tichabaya vana vane mwedzi mitanhatu nevane makore 15 bedzi.

“Tichashandisa zvipatara nemakiriniki edu uye kupinda muvanhu nemakiriniki (mobile clinics). SekuMbare Musika, tichitaura nevatengesi vemumigwagwa nevanouya nezvirimwa zvavo tichiparidza mashoko echenjedzo,” vanodaro.

Dr Manangazira vanoti vachatanga nekubaya vanhu vanhu vari munzvimbo dzine mukurumbira wechirwere ichi.

Vanoti kana munhu achinge abaiwa majekiseni aya, zvinomubatsira kuti adzivirirwe kubva kuutachiona hunokonzera tyhoid kwemakore mashanu.

Chirwere chetyhoid chiri kunyore kutapuriranwa uye chinokonzerwa neutachiona hunonzi salmonella typhi.

Chinotapuriranwa kuburikidza nekudya chikafu chisina hutsanana, mvura isina kuchena uye chinonyanyobata avo vasingageze mawoko.

Chinogona kutapurirwa kune vasina nemunhu anenge ainacho asi asingazive kuti ane bhakitiriya iri.

 

Share This:

Sponsored Links