Uncategorized

mombe 5 tezvara nemuroora vaita ‘nyaka-nyaka’

04 May, 2018 - 00:05 0 Views
mombe 5 tezvara nemuroora vaita ‘nyaka-nyaka’

Kwayedza

Kingstone Mapupu
SABHUKU Chitauro wekwaNyamweda, kuMhondoro – uyo wekunzi akabatikidzwa achishinha nemuroora wake musango remapuranga reko, muroora uyu ndokuzozviuraya anwa muchetura nekunyara – akaripiswa mombe shanu nembudzi ina namambo weko.

Sabhuku uyu akakonwa mudare ramambo nemhosva yemakunakuna.

Pamusoro pezvo, Sabhuku Chitauro akabva akurunurwa nyembe dzikapihwa achafanobata matomhu kuchimirirwa kuiswa mumwe mutsva.

Simon Chitauro (68), uyo anga ari Sabhuku Chitauro, anonzi akawanikidzwa achishereketa nemuroora wake, mushakabvu Sarudzai Ganyiwa (42), zvikaita kuti Sarudzai anwe muchetura apo akakundwa nenyadzi.

Sarudzai aiva mudzimai waEdmore Chitauro (48) uyo anova mwanakomana waSabhuku Chitauro.

Pakabatikidzwa vaviri ava, zvinonzi muroora akatiza nemusango ava tezvara ndokusara vachipfeka bhurugwa apo vakawanikwa nemudzimai wavo, Mai Charity Mudarikwa (62).

Nyaya iyi yakazopinda mudare raMambo Nyamweda – VaClaudious Mandaza – neMugovera wadarika.

Sabhuku uyu anoramba nyaya iyi asi akabatwa nemhosva nekuda kwehumboo hwakabuda mudare iri.

Dare ramambo rakapindwa nevemhuri yekwaChitauro vanosanganisira Edmore Chitauro, Israel Marufu (72) naIsaiah Chitauro (40) pamwe nevekumhuri yaSarudzai avo vaitungamiriwa nababa vavo – VaMoses Utete (86).

Zvakabuda mudare iri kuti tezvara uyu aienda achinoshinha nemuroora wake muimba isisagare vanhu iri padongo, kubindu kana kusango.

Dare iri rakashandisa zvikamu zvinomwe kukona sabhuku, murume uyu ndokubvuma kuti aidanana nekushinha nemuroora wake.

Gurokota mudare raMambo Nyamweda, VaRobert Mamvura (75), vanoti sabhuku uyu airamba mhosva iyi kusvikira azokonwa.

“Mashoko aibva kumativi ose – kubvira kuhama dzake nekumadzitezvara vane mwana waaidanana naye – sabhuku ndokuzowanikwa aine mhosva. Dare rakamuti aripe mombe shanu nembudzi ina.

“Pamombe shanu idzi, nhatu dzakanzi dzidzoserwe kuna Edmore Chitauro, idzo akanga aripiswa nanatezvara vake vekwaGanyiwa, imwe chete ikanzi nedare ndeye makunakuna. Mombe yechishanu ndeye kufumura kana kuti kusvibisa dunhu.

“Mbudzi muripo wekupedzera dare nguva nekuramba mhosva iyo aiziva,” vanodaro VaMamvura.

Mambo Nyamweda vanoti nyaya yakadai ingangodaro iri yekutanga mudare ravo iyo inoratidza kuraswa kwetsika dzechivanhu.

“Muroora munyarikani wekupedzisira saka muchinzwa tichiti kuvaroora ambuya. Zvino chokwadi tosvika pakupotsera shoko rerudo kumuroora, kufumura nyika kwakadii ikoko?

“Hatidi kuona vanhu vakadai munzvimbo dzedu isu madzimambo. Iyi iyambiro huru kune vamwe varume kuti kunze uko vakadzi vakawanda zvikuru, musaite rudo nehama kana nevaroora,” vanodaro.

Zvichakadai, Sabhuku Chitauro anonzi ainge aenda kumagweta achida kuti aripwe mari inosvika $10 000 naEdmore Chitauro nevamwe vake vaviri vemumusha uyu vanoti Isaiah Chitauro naIsrael Marufu achivapomera mhosva yekuti vakasvibisa zita rake nenyaya yekuti aidanana nemuroora.

Kwayedza yakaona magwaro anonzi akabva kumagweta ayo anoratidza kuti sabhuku uyu anoda kuripwa mari iyi munguva yakatarwa mumagwaro aya.

Dare raMambo Nyamweda rakatura mutongo wekuripisa tezvara uyu apo magwaro aya anonzi akanga atovepo kare.

 

Share This:

Sponsored Links