Moto ooneswa moto

12 Jan, 2018 - 00:01 0 Views
Moto ooneswa moto

Kwayedza

Gamuchirai Muzanenhamu
Mudzimai wekuti ari kugara achioneswa ndondo nemumwe mukadzi uyo anomurova, achimudzura vhudzi mumusoro achimupomera kuti anodanana nemurume wake akazopotera kudare redzimhosva.

Mutsa Moto akadhonzera Laizet Tapera kuHarare Civil Court achiti ari kumuonesa chitsvuku. “Mukadzi uyu pose paanofungira kuti murume wake ari kuita gumbo mumba gumbo panze, anouya achindipopotera, achindituka nekundirova. Mumwe musi akasvika pakundidzura vhudzi mumusoro,” anodaro.

Anoendera mberi achiti Tapera akasvika pakuenda kumba kwevabereki vake achinovaudza manyepo.

“Akaenda kuvabereki vangu achivanyebera kuti ndaiva ndisina kuenda kuSouth Africa asi kuti ndaiva nemurume wake,” anodaro Moto.

Tapera anoti Moto anodanana nemurume wake uye akatombovaona vari vose Moto akatiza.

“Anodanana nemurume wangu, ndakatanga kuzviziva 2013 ndikataura naye akati aisaziva kuti ane mukadzi. Asi nyangwe zvakadaro, vachiri kudanana nekuti pazororo ipapa ndakavaona vari vose vachitengerana hembe iye akazotiza,” anodaro Tapera.

Anoti akamudzura vhudzi nekuda kwehasha dzekuti ari kudanana nemurume wake.

“Zvekuti ndakamudzura vhudzi mumusoro uye kuenda kwandakaita kumba kwevabereki vake dzaiva hasha dzekuti ndiri kutambura nevana ndoga iye achidya mari yemurume wangu. Saka ndaida kuchengetedza imba yangu,” anodaro Tapera.

Mutongi Larzin Ncube akapa Moto gwaro rerunyararo.

Share This:

Sponsored Links