Uncategorized

Moto wemapipi wadzima

24 Aug, 2018 - 00:08 0 Views
Moto wemapipi wadzima Nobert Matope achiratidza gumbo neruoko zvakapiswa nemoto wemasaramusi

Kwayedza

Kingstone Mapupu naLiberty Dube
MHURI yekwaMatope, kwaMarange, iyo yange yapedza mwedzi mina ichigara musango nekuda kwedambudziko remoto waingotanga woga inoti masaramusi aya akamira.
Vatori venhau veKwayedza neChishanu svondo rapera vakashanyira mhuri iyi apo vakaona dzimba dzichitsva nemoto wainzi waive wangotanga woga.

Dzimba dzekwaMatope dzichitsva nemoto wemasaramusi nemusi weChishanu wadarika.

Muhurukuro neKwayedza, Mai Chipo Mukunguma, avo vanove mudzimai waVaTsanangurai Matope, vanoti moto uyu wakapisa imba nemidziyo svondo rapera.
“Moto uyu wakatanga zvakare musi weChishanu (chadarika) munguva dzemangwanani apo takange tisingautarisire. Imba iyi ndeyababamukuru vedu. Takarasikirwa nemidziyo yose uye tave kugara mukutya kukuru. Tapererwa nemazano uye hatichaziva zvekuita,” vanodaro vakadaro musi uyu.
Moto wemasaramusi uyu wakakonzera kuti vemhuri iyi vapate musha vachinogara kumunda kunove chinhambwe chamamita 500 kubva pamusha.
Zvichakadai, VaTsanangurai Matope nemusi weChipiri svondo rino vakauya kumahofisi eKwayedza vaine vamwe vemhuri yavo vachiti moto uyu wamira mushure mekunge vashandirwa nemumwe chiremba wechivanhu wekuUzumba.

VaTsanangurai Matope

“Moto uyu wakatanga munaChivabvu uchipisa zvinhu zvose kusanganisira idzo dzimba, magumbeze, mbatya, zvitupa zvekuzvarwa, mabhuku evana echikoro, chikafu, zvirugwi zvembudzi nezvimwe
“Zvakatanga kuitika mudzimai wangu aenda kunosununguka apo mbatya dzose dzemwana mucheche dzakatsvira mumba. Kunze kwekutsva kwedzimba, taipotserwa nematombo aiuya rimwe chete nerimwe chete achitema dzimba,” vanodaro.
Vanoti nekuda kwemoto uyu, vakazoguma vaendesa vana kumba kwemunin’ina wavo uko wakatevera ukanopisawo imba imwe chete.
Vanotizve dzimwe dzimba dzakatsva ndedzasahwira wavo uyo anonzi aiedza kuvabatsirawo kudzima moto kumba kwavo asi wakazoguma wanhanira kumba kwake.
“Dzimba idzi dzaiti tikapfirira moto uyu wodzoka uchidzipisa uyo wakadzokorora kasingaperi kusvika svondo rakapera apo takazotanga kubatsirwa nachiremba wechivanhu uyu nemusi weMugovera ndokubva moto uyu wamira,” vanodaro.
Munin’ina wavo, Nobert Matope (18), anoti akakuvara apo akatsva pagumbo neruoko achida kudzima moto uyu.
“Ndakatsva gumbo rekurudyi pachiziso neruoko rweruboshwe apo ndaida kudzima moto waiva wabatidza bhegi pamba pamukoma uyo wakangodauka ndokundipisa,” anodaro.

Sekuru Bonface Katerere

Mhuri iyi inoti iri kutsvaga rubatsiro rwezvekudya, mbatya, magumbeze nezvimwe.
Zvichkadai, imwe nyanzvi yezvechivanhu, Sekuru Bonface Katerere, vanoti dambudziko remoto range rakatarisana nemhuri iyi rinozivikanwa nekunzi tsandukwa iyo inove mishonga inosanduka kuita moto, mhuka kana zvimwe zvinhu.
“Iyi itsandukwa yakafanana nemheni yechirimo uye zvinokonzerwa nevaroyi, inoitawo matombo anotema kana kuita zvidhoma. Uku kurwiswa nevavengi havana kuromba ava,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links