Uncategorized

Msasa Industrial Training College: ‘Tiri kusimudzira vanhukadzi’

14 Sep, 2018 - 00:09 0 Views
Msasa Industrial Training College: ‘Tiri kusimudzira vanhukadzi’ Muzvare Ringisai Chinamasa

Kwayedza

Lizzy Mushoriwa

KOREJI yemabasa emawoko, yeMsasa Industrial Training College, iyo iri muHarare iri kusimudzira vanhukadzi kuburikidza nekuvadzidzisa mabasa ayo kare aisinzi anoitwa nevanhurume chete.

Mukuru wekoreji iyi, Muzvare Ringisai Chinamasa, vanoti vane shuviro yekuti vanhukadzi vakawanda vadzidze mabasa anonzi ndeevanhurume.

“Tiri kudzidzisa vanhukadzi kuita makosi ayo anonzi ndeevarume nekuti iye zvino zvinhu zvasanduka, hakuchina basa rinonzi nderevarume kana kuti nderevakadzi. Munhu wose ava kungoita chero basa, saka tinokurudzira vanhukadzi kuti vauye vadzidze makosi aya kuitira kusimudzira nyika yedu,” vanodaro.

Vamwe vadzidzi vepaMsasa Industrial Training College vachiita zvidzidzo zvavo zvekugadzira mushini

Vanoenderera mberi vachiti, “Makosi atinawo pano anosanganisira Automotive Engineering, Mechanical Engineering, Construction Engineering neElectrical and Power Engineering ayo aiwanzoitwa nevanhurume asi atava kupawo kuvanhukadzi mukana wekumaita.”

Vanoti zvinofadza kuona vanhukadzi vakawanda vachinoita makosi aya.

“Tinofara chaizvo nekuti tiri kuona vanhukadzi vachizodzidza makosi aya, tiri kuita macareer guidance nemaoutreach programmes kuedza kuvakwezva uye vari kuuya chaizvo. Zvakare tine vadzidzisi vanove vanhukadzi pano,” vanodaro Muzvare Chinamasa.

Mukuru wezvidzidzo zveEngineering pakoreji iyi, VaWebster Tunduwani, vanoti vari kufadzwa nekuuya kuri kuita vanhukadzi kuzoita zvidzidzo izvi.

Patience Kasichi achigadzira mota

“Ndiri kufara chaizvo nekuti vadzidzi vedu vechikadzi vari kuwanda. Kare taiva tisina kana chimbuzi chevanhukadzi asi iye zvino tava nacho nekuti vari kudzidza pano vawanda chaizvo. Asi tichiri kuda vamwe saka tinoti huyai mudzidze hapana chekumirira apa,” vanodaro VaTunduwani.

Mumwe wevanhukadzi vari kudzidza paMsasa ITC, Patience Kasichi, anoti akagara aine chishuviro chekudzidza Motor Mechanics.

Albert Chinyengetero naLee Gandi vachishandisa grinding machine

“Ini chaiva chishuviro changu kubva ndichikura chekugadzira motokari saka ndakuuya pano pandiri kudzida Motor Mechanics Class 1 uye ndava kutopedza kosi yangu.

“Ndinoti kune vamwe vakadzi vari kutyira kure, huyai mudzidze hapana chinotyisa apa, zvinoitwa nevanhurume isu tinozviitawo. Mukatarisa mukirasi mangu makazara vanhurume asi handityiswe, ndinotokwikwidzawo,” anodaro Kasichi.

Share This:

Sponsored Links