Mubairo wekudanana nemukadzi wemunhu

01 Dec, 2017 - 00:12 0 Views
Mubairo wekudanana  nemukadzi wemunhu

Kwayedza

Gamuchirai Muzanenhamu —
SAMUSHA vekupomerwa kuita meso-meso ndokudanana nemudzimai wemuridzi vakazopotera kudare votsvaga kudzivirirwa vachiti vanzwa nekugara vachikinditswa kurohwa nemurume wemukadzi uyu.

Themba Hiya akaendesa Taurai Muswe kuHarare Civil Court achiti anomurikita pose paanosangana naye.

“Changamire, ndanzwa nekutaurirwa manyepo nemurume uyu, achinditi ndinodanana nemukadzi wake zvekuti pose patinosangana anondirova,” anodaro.

Anoenderera mberi achiti mukadzi waMuswe ndiye anoti murume wake akaudzwa nen’anga kuti ini ndiri chikomba chake.

“Mukadzi wake akandiudza kuti Muswe anoenda kun’anga nekumaporofita uko anoudzwa kuti ndiri chikomba chemukadzi wake asi ini ndisiri,” anodaro Hiya.

Anoti akadanana nemukadzi waMuswe kare apo akange asina ruzivo rwekuti ane murume.

“Ndakadanana nemudzimai wake kare asi ndaisaziva kuti ane murume tikazorambanawo hedu. Zvinondinetsa kuti sei ari kufunga kuti ndichiri kudanana nemukadzi wake,” anodaro Hiya.

Muswe anoti haaende kun’anga kana kumaporofita asi kuti mudzimai wake ndiye akataura oga kuti anodanana naHiya.

“Handiite zvemaporofita kana zven’anga asi kuti mudzimai wangu ndiye akataura kuti anodanana naHiya, ndosaka ndakaenda nemudzimai wangu kumba kwake kuti ndizive chokwadi,” anodaro Muswe.

Anoti haana dambudziko nechikumbiro chaHiya nekuti haamurove kana kumushungurudza.

“Handina dambudziko nechikumbiro chake nekuti zvose zvaari kuti ndinomuita manyepo uye mukadzi aiita kuti tisawirirane handichagare naye,” anodaro.

Mutongi Larzin Ncube akapa Hiya gwaro redziviriro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey