Mubereki-mwana, hurukuro yakakosha

14 Dec, 2018 - 00:12 0 Views
Mubereki-mwana, hurukuro yakakosha Vanaamai nevanasikana vavo vachiita hurukuro pasi pechirongwa cheParent-Child Communication Programme (PCC), kuShamva nguva pfupi yadarika.

Kwayedza

CHIRONGWA chekuita hurukuro pakati pevabereki nevana icho chinozivikanwa nekuti Parent-Child Communication Programme (PCC) chorumbidzwa zvikuru nekubatsira kwachiri kuita vabereki kukurukura pamusoro penyaya dzine chekuita nebonde pamwe neutano hwesikarudzi nevana vavo.

Chirongwa ichi, icho chakatanga munaKurume gore rino, chaona kudzikira kwekuroorwa kwevanasikana vachiri ndumurwa, kudzikira kwenyaya dzekushungurudzana mudzimba nekupararira kweutachiona hweHIV.

Muhurukuro nevatori vanhau pasi pechirongwa cheNational AIDS Council (NAC) chekuti vazive zviri kuitika maringe neHIV kudunhu reMashonaland Central, NAC Shamva District Coordinator Shepherd Zanhamwe anoti chirongwa chePCC ichi chakanangana nekupa mukana kuvabereki kuti vaite hurukuro nevana vavo vakasununguka maringe neHIV nedzimwe nyaya dzinosanganisira utano hwesikarudzi.

“Chirongwa ichi chiripo pakuvhara mukaha uripo pakati pevanhu vakuru nevechidiki kuitira kuti vapangane mazano pamusoro penyaya dzakasiyana dzine chekuita nezveutano hwesikarudzi,” anodaro Zanamwe.

Zimbabwe AIDS Prevention and Support Organisation (ZAPSO) Shamva coordinator Cordellia Andrews anotiwo sezvo kusisina vanatete nanasekuru vanopanga mazano kune vechidiki, chirongwa ichi chakakosha zvikuru.

“Kushungurudzana kwemudzimba, kushandiswa kwezvinodhaka, kumbunyikidzwa pabonde nekupihwa pamuviri pasina kurongeka zvimwe zvezvinokurukurwa nezvazvo pasi pechirongwa ichi,” anodaro Andrews.

Anoti chirongwa ichi chinobatsirawo pakaumba hukama hwakasimba pakati pevabereki nevana vavo.

Andrews anoti kubvira pakatanga chirongwa chePCC, vanababa vave kukwanisa kutaura nevanasikana vavo vakasununguka pamusoro pechero nyaya dzinenge dzichivanetsa.

“Pave nekudzikira kwekudanana kwevanhu vakuru nevechidiki uye nekuroorwa kwevanasikana vasati vabva zera nekuda kwekuti vabereki nevana vave neruzivo rwakadzama pamusoro penyaya idzi,” anodaro Andrews.

VaShepherd Zanhamwe

Anoti vari kusimudzirawo hupenyu hwevanasikana kuburikidza nekuita mabhindauko pasi pechimwe chirongwa cheSister to Sister nedonzvo rekuti vakwanise kuzvimiririra muhupenyu.

“Tiri kuvakurudzira kuti vatange makirabhu avo ekukweretesana mari kuitira kuti vasazopinde pamiyedzo yekudanana nevarume vakuru uye kuita zvechipfambi,” andoaro.

Mumwe mugari wemunharaunda iyi, Wadzanai Sunday, anoti nekuda kwechirongwa chePCC vanhurume vave kunzwisisa kukosha kwekurwisa nyaya dzemhirizhonga mudzimba uye vanasikana vasununguka kumhan’ara nyaya dzakadai sekubatwa chibharo pasina kutya.

Mumwe musikana ane makore 15 ari kubatsirika pasi pechirongwa ichi anoti ane murume waaimbodanana naye asi zvakapera mushure mekunge adzidziswa pamusoro penjodzi yekuita zvebonde asati abva zera.

Chirongwa chePCC chiri kuitwa kunzvimbo dzakasiyana dzenyika dzinosanganisira Umguza, Umzingwane, Kwekwe, Chimanimani neShamva.

 

Share This:

Sponsored Links