Mudonzvo ‘Shedia’ une mutauro

05 Jul, 2014 - 18:07 0 Views
Mudonzvo ‘Shedia’  une mutauro CHRISTOPHER Hove akabata tsvimbo yake

Kwayedza

CHRISTOPHER Hove akabata tsvimbo yake

CHRISTOPHER Hove akabata tsvimbo yake

VANHU vaiva pamusangano wevarimi wakaitirwa pachikoro cheTugwane Secondary, kwaShe Nyajena kuMasvingo South, nguva pfupi yadarika vakaona bhaisikopo remahara apo mumwe murume akakonzeresa nekuda kwetsvimbo kana kuti mudonzvo wake uyo wakagadzirwa nemucherechedzo wemunhukadzi akapfeka mbatya.

Murume uyu, VaChristopher Hove (64), vemubhuku raMuvhengere, vaive pakati pechaunga chevarimi avo vaidzidziswa kurima fodya.

Chakashamisa vaiva pagungano iri, kunyanya vanhukadzi, itsvimbo yaiva naVaHove, iyo yakavezwa nemucherechedzo wemunhukadzi, yakapfekedzwa dhuku, rokwe nebhodhi.

Murimi uyu akati anodaidza mudonzvo wake nezita rekuti “Shedia Musikana Musvinu”.

Murume uyu, uyo anozikanwa mudunhu iri nezita remadunhurirwa rekuti “Rasta” sezvo achichengeta vhudzi rakamonwa, ainyenyeredzwa nevanhukadzi avo vaiti vaimutya, nekuda kwetsvimbo yake. Pamusoro peizvi, VaHove vainge vakaguswa musoro wavo kudivi rekuruboshwe bedzi asi kurudyi kuine vhudzi refu. Chirebvu nedama zvaiva nendebvu dzachena kudivi rekuruboshwe bedzi asi kurudyi kwakaguswa. “Nhai mukuwasha (kureva mutori wenhau) munobva kupiko munobvunza murume uyu? Mamwe madzimai muno vakangoona ave kuswedera pedyo navo vanomutiza,” vakadaro vamwe amai.

Murume uyu akatanga akagara mukati mevanhu vechirume umo akazobva ava kufamba-famba sevamwe achinopihwa kudya.

Vamwewo vanhu vaisetswa netsvimbo ine mucherechedzo wekachidhori kechikadzi iyi.

Kwayedza yakazotaura naVaHove avo vakatsenga-tsenga mukanwa panyaya yekunzi vanoshandisa tsvimbo yavo mumabasa anodarika kudonzvesa.

Murume uyu akatanga nekubvunzwa chinangwa chake chekuveza tsvimbo achifananidza nemunhukadzi.

“Tsvimbo iyi inonzi Shedia, musikana-ka uyu akazvichenera.

“Onai dhuku mumusoro, bhodhi yacho pachipfuva kuvhara mazamu, kuzasi uko siketi yechizvino-zvino. “Tsvimbo iyi ndakaiveza ndoga uye mbatya dzandakapfekedza Shedia ndakadzisona ndoga. Hadzina kana mishonga kana zvimwe zvakaipa sezvinotaurwa nevanhu,” vakadaro VaHove.

Vakati vanhu vanongofungira bedzi nekuvaona kwavanoita vaine tsvimbo ine chimiro chemunhukadzi.

Vobvunzwa kuti sei vakafunga zvekuveza tsvimbo ine chimiro chemunhukadzi kwete chemunhurume kana imwewo mhuka, vakati ndizvo zvavakada kuita “nekuti munhukadzi ane moyo murefu netsiyo nyoro”.

“Ini handina mushonga wakaipa, ipfungwa dzevanhu vasingandinzwisise chete. Ndine mudzimai nevana vakura, handiite zvakadaro,” vakadaro.

Vakaenderera mberi vachiti: “Ndine hurombo kune vanondifungira zvakadaro. Ndinonamata uye handibate mishonga.”

Chimwezve chinoshamisa pamurume uyu ndechokuti anonzi anopfeka dzimwe mbatya dzinoita semarokwe.
Vamwe varume vakataurwa navo vakati VaHove vanonyeperwa nevanhu vanovavenga.

“Murume uyu anongova funny kuvanhu nemaitiro ake ekupfeka mbatya dzinenge dzechidzimai uyewo nechidhori chake ichi,” akadaro mumwe murume akangozviti Benny. VaHove vakati havatsigire vanhu vanoita zvechipfambi vachiti: “Nyaya dzechipfambi ndakadziita kare, iye zvino handidi kunzwa kana kuona zvakadaro.”

Tsvimbo yavo yakaoma!

Share This:

Sponsored Links