Mudzidzisi anodei pamwana? -‘Vanoudzirwa maanza, vopihwa mari’ -‘Vamwe vanogara beya mberi kwedu’ -‘Musatambe chikudo nevana vedu’

27 Mar, 2015 - 00:03 0 Views
Mudzidzisi anodei pamwana? -‘Vanoudzirwa maanza, vopihwa mari’ -‘Vamwe vanogara beya mberi kwedu’ -‘Musatambe chikudo nevana vedu’

Kwayedza

MATICHAMuchaneta Chimuka
CHIPO (14) musikana ane muviri wakakura uye ari kuita Form 2 pane chimwe chikoro chemuHarare. Pachikoro ichi pane mumwe mudzidzisi wechirume ari kugara achichiva mwana uyu. Nekufamba kwenguva anopedzisira amukanda shoko rerudo. Pakutanga, Chipo anombotsika-tsika achiti hazviite kuti adanane memuraidzi wake. Zvekare, moyo wake uri kumuudza kuti achiri mwana muduku, zvisinei nekuti muviri wake wachiti kabu kuzara nezviratidzo zvehumhandara. Chipo anoramba.

Murairidzi uya anoramba achiedza nekuti ane tarisiro yekuti nezera remwana uyu, haangamukunde papfungwa. “Ndichachihwinha bedzi chimwana ichi,” murairidzi anogara achizviiudza muhana make.

Asi mutemo anouziva: Murairidzi haatenderwe kudanana nemwana wechikoro.
Zvisinei, Chipo anozobvuma kudanana nemudzidzisi wake mushure mekunge avimbiswa kupihwa mari yekutenga zvaanoda, kupasiswa muzvidzidzo zvake nezvimwe.

Dzidzo yemwana uyu inobva yaenda mudondo. Muchikoro haana chaachabura, ave kungofunga zvaakaitwa zuro wacho nemurairidzi wake apo vainge vapedza chikoro. Vabereki vemwana uyu vari murima, mari vari kungobhadhara. Chinangwa chavo: “Kuti Chipo azova neupenyu hwakanaka mune ramangwana.”Zviri kupi? Chipo atokanganiswa dzidzo yake nemurairidzi wake. Panzvimbo yekuti ticha aone Chipo semwana wake, atova kumuita mudzimai wake!

Haasi Chipo bedzi ari kusangana nedambudziko kana kuti miyedzo yekunanana nemudzidzisi wake asi kuti vana vakawanda. Variko varairidzi vanoda kuita sehuku inonwa mazai ayo, vanodanana nevana vechikoro.

Nekuona kukura kuri kuita dambudziko iri, sangano rinorwira kodzero yedzidzo kuvanasikana, reTag A Life International, rinokurudzira vana vechikoro kuti vafumure varairidzi vanodanana nevana vechikoro ava.

Kwayedza yakaita ongororo pamusoro pevadzidzisi vanodanana nevana vechikoro ikafukunura zvikukutu.
Omega Sithole (17), uyo anove headgirl paSt Manocks High, anoti vamwe vana vechikoro vanozodanana nevarairidzi nekuda kwezvikonzero.
Anoti: “Vamwe vana vechikoro – vakomana nevasikana zvose – vanozodanana nevarairidzi nezvikonzero zvakadai sekuda kuchengetwa kana kungomakirwa basa ravo zvakanaka, chero nepavanenge vatadza. Tinozviona kuti humwe hunhu hwevana vechikoro hunenge huchitoratidza kuti pane pavakatsika nekuti hazvikodzeri kuti mwana wechikoro ayeme kana achibvunzwa mubvunzo nemudzidzisi.” Omega anoti vamwe vana vanotononoka kuchikoro vachiziva kuti havarohwi kana kutsiudzwa nekuti “anetenge afonerana naticha waavari murudo naye kuti achauya nguva dzaanoda”. Ini hangu semunhu anotungamirira vamwe vana pachikoro, handizvikurudziri nekuti magumo acho akashata. Unoti kudofora kana kuitiswa pamuviri ticha wacho obva angotama pachikoro ipapo nekuti zvikoro zvakawandaka,” akadaro Omega.

Headboy wepachikoro chimwe chete ichi, Farai Dhliwayo (17), akatsinhira nyaya yekuti kune vamwe varairidzi vane tsika yekunanana nevana vechikoro. “Kana vanakomana chaivo vanogona kukwezvwa nemurairidzi wechidzimai kuti vapinde murudo. Unoona mudzidzisi achipinda mukirasi akapfeka kamini, ogara hake (beya) patafura pamberi pevana vayaruka. Handiti inenge iri miyedzo here iyoyo? Zvisinei nekuti tiri vadzidzi, asi tiri vanhuwo zvekare vane mafungiro akasiyana,” akadaro Farai. Anoti mamwe maticha echidzimai, zvikuru kumabhodhingi, anotoenda kudzimba dzinogara vanakomana vachinokumbira kushinha navo uye vana ava vachizobhadharwa. “Nyaya idzi hadzimbofi dzakabuda pachena nekuti imhosva uye panoumbwa sungawirirano pakati pemurairidzi nemudzidzi zvisinei nekuti mwana anenge achimbunyikidzwa. Anoitirwa zvinhu zvinoita kuti afunge kuti ari kupinda murugare kuburikidza nekutengerwa zvekudya, kumakirwa mabhuku nekuudzirwa maanza kana kusarohwa mukirasi vamwe vachibinhwa zvakasimba nezvimwe,” anodaro. Mai Naome Chibatamoto (37) vekuWedza vanoti varairidzi vanodanana nevana vanenge vachishandisa hudzvanyiriri uye mukana wekuti vana ava havasati vonyatsoziva sarudzo yezvavanoda. “Hazvina kunaka, murairidzi anenge atoshandisa simba nekutora mukana webasa rake saka mwana anogona kutya kumuramba.

Varairidzi ndivo vanoswera nevana vedu saka mweya weruchiva ngaubve mavari uyewo vadzidzi ngavadzidze kuremekedza maticha kwete kutamba chikudo navo. Ibasa revabereki kuraira vana vavo nekuti vana vasina hunhu vanongojairana nemunhu wose-wose,” vanodaro Mai Chibatamoto. Mbuya Edha Karimazondo (62) vekwaMutoko vanoti vamwe vana vanozobvuma kudanana nevarairidzi vavo nechinangwa chekuti vapasiswe muzvidzidzo zvavo. Nyaya dzevadzidzi vanoda kupasiswa nevarairidzi vavo kuburikidza nekuvapa rudo dziri kugara dzichifumurwa mumapepanhau, kunyanya mumakoreji nemayunivhesiti.

“Kune vamwe vadzidzi vane hunyope hwekuverenga. Saka vanodanana nematicha kuti vanyorerwe bvunzo nekupihwa maki yemapusoro. Hatizvikurudziri nekuti zvinouraya dzidzo nehunhu hwemwana,” vanodaro Mbuya Karimazondo.

VaRabson Mushati (62) veKuwadzana 5, muHarare, vanoti kukurumidza kukura kuri kuita vana vemazuva ano ndiyo imwe mviro-mviro yekuti vapindwe navo murudo nevarairidzi vavo.
“Vana vari kukura zvakanyanya, dzimwe dzenguva nekuda kwekusanduka kwekudya,” vakadaro VaMushati.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>