mudzidzisi raira – Kunyorwa kwezviito

30 Mar, 2018 - 00:03 0 Views

Kwayedza

Madham Chiks kuCHIVHU
SVONDO rino tinoda kutarisa mhosho dzinonyanya kuitwa nevana pamatanho ose anoti puraimari, O- neA-level. O-level tinenge tichireva kubva Fomu 1 kusvika Fomu 4.

Mhosho dzatinoda kutarisa svondo rino ndedzekupatsanurwa kunoitwa zviito.

Nyaya yekupatsanura mashoko inyaya inonetsa vanhu vazhinji zvokuti vanoshambadza vaya nerurimi rwechiShona ukanatsoongorora unoona mashoko asina kunyatsonyorwa zvakanaka, akangopatsanurwa zvisina tsarukano.

Nerimwe gore mudzidzisi uno akaramba kutenga T-shirt yekuchechi nekuti yakanga yakakanganiswa kunyorwa yakanzi “MUDZIMAI WA NHASI”. Vazhinji vaimhanyira kunotenga maT-shirt aya vaisatomboona kukanganiswa kwemanyorerwo awo.

Pamakombi, pazvipfeko, pamadziro chaipo panokanganiswa kunyorwa. Pamwe ndizvo zvinopa vana matambudziko ekunyora zvirevo.

Chinhu chikuru chinofanira kuzivikanwa nevana ndechekuti chiito kunyange chirebe sei chinonyorwa chakabatana. Patinotaura chiito, hatina mukana wekufema saka nekudaro hatina mukana wekuchipatsanura. Ngatitarisei mienzaniso iri pazasi yezviito zvakareba zvinofanira kunyorwa zvakabatana.

 

Vanotiziva

Zvataimbouya

Aisingombeya

Aisimbotaura

Makazvikakatira

Zvataisimbonyemwerera

Watakaratidzwa

Kufumobata

 

Pane zviito zvose, vana vane dambudziko rekupatsanura zviito izvozvi nekuti vanofunga kuti zvarebesa. Hazvina kurebesa nekuti chiito chega chega chiri pamusoro ishoko rimwe chete saka rinonyorwa rakabatana. Pamatanho ose anoti Grade 7, O-level neA-level, vana vakangoziva kuti chiito ishoko rimwe chete nyangwe chakareba sei, havaiti matambudziko pakunyora.

Mhosho dzatinosangana nadzo ndedzekuti vana vanonyora kuti:

Vano tiziva     ×                 Vanotiziva

Vacha zouya   ×                                Vachazouya

Ano simbouya ×               Anosimbouya

 

Padanho reO- neA-level, mwana akaziva kuti chinonzi chiito chinoumbwa nezviumbazwi kana zvivakazwi zvipi haazotori chiito semashoko maviri.

Chekutanga mudzi wechiito ndiwo hwaro hwechiito sekut

-rov-

-tamb-

-kweny-

Kunyangwe mudzi uriwo hwaro hwechiito, unodawo kuwedzerwa zviumbazwi kuti uve chiito chakazara. Zviumbazwi ndezvinoti

Chitaridzamuiti

Chitaridzamuitirwi

Chitaridzanguva

Chekupikisa

Chekutaridza chiitogama (nedzimwe nguva)

Nzvovera yekupedzisira

* Muenzaniso

vakamurova                      va-

chiratidzamuiti                  -ka-

chiratidzanguva                 -mu-

chiratidzamuitirwi            -rov-

mudzi wechiito                  -a nzvovera yekupedzisira

Mwana ari padanho reO- neA-level anofanira kuziva kuti zviumbazwi izvi zviri kuumba chiito saka hapana mukana wekupatsanura chiito chataumba.

Panguva yezororo ino, vabereki batsirai vana kunyora zviito sebasa repazororo

  1. Danirai vana zviito vachinyora mozotarisa kuti vazvinyora zvakanaka here.
  2. Musati maenda kubasa vapei basa rekuti vagonyora zviito zvavanoda imi mozotarisa kuti zvaanyora zvaanoda zvacho, azvinyora zvakanaka here.
  3. Vapei pekuverenga kana peji imwe chete zvayo movati vanyurure zviito vachizvinyora pasi.

 

l Chinyorwa chino chabva kumudzidzisi weShona ari pachimwe chikoro chiri kuChivhu. Varairidzi makasununguka kudzidzisa vana nekutumira zvidzidzo zvenyu paWhatsApp inoti 0775 218 248 kana email inoti [email protected]

Share This:

Sponsored Links