Uncategorized

‘Mudzimai haugeze murume asipo’…Vasikana havaguswe dakara varoorwa

30 Jan, 2015 - 00:01 0 Views
‘Mudzimai haugeze murume asipo’…Vasikana havaguswe dakara varoorwa CONNIE Mararike

Kwayedza

CONNIE Mararike

CONNIE Mararike

Kingstone Mapupu
KUNE nzira pamwe netsika dzinonzi dzinoshandiswa nemarudzi akasiyana kubva pasichigare mukuchengetedza wanano pakati pevakaroorana, vangave varume kana vakadzi. Dzimwe dzetsika idzi dzinosanganisira kushandisa mishonga yakaita serukawo kana kuti runyoka urwo rwava kunzi nevamwe mazuva ano “central locking” kana kuti “pass-word”.

Asi pane dzimwe tsika dzaitevedzwa idzo dzinonzi hadzishandiswe mishonga inokuvadza serunyoka.
Imwe yetsika dzekuchengetedza madzimai akaroorwa inonzi inoitwa neverudzi rwechiShangani iyo inoita kuti mukadzi akaroorwa asageza sikarudzi yake kana murume wake asipo, zvisinei nekuti vachatora nguva yakareba sei vasati vasangana. Mukadzi anonzi haageze kusvikira murume wake adzoka kwaanenge akaenda, zvisinei nekuti achagarako kwenguva yakadini.

Tsika iyi inonzi yainyanya kuitwa chinyakare nevagari venzvimbo dzinosanganisira Chipinge, Beitbridge, Chiredzi nedzimwe dzakatevedza rwizi rwaLimpopo.

Senzira yekusimbisa kutevedzwa kwetsika dzavo, kune gungano rinoitwa gore roga-roga rinonzi Machangana Arts and Cultural Festival (MCAF) mumitambo inoitwa kumatunhu emadzishe eko anosanganisira Mahenye, Chilonga, Sengwe, Tshovani naGudo.

Zvimwe zvinoitwa ndezvekuti vakomana vanodzidziswa zvavanotarisirwa kuzoita kana vayaruka, vave vanababa, pasi pechirongwa chinodaidzwa kuti Ngomeni.

Vasikana vanodzidziswawo zvinotarisirwa kana vazoroorwa muchirongwa chinonzi Khomba.
Pane imwe tsika zvakare inonzi inoitwa nevanasikana veko, yekuti havaveure vhudzi ravo rekusikarudzi kusvikira varoorwa. Vanozogerwa bedzi nevarume vanenge vavaroora.

Mai Connie Mararike (48) verudzi rwechiShangani avo vanoti vakakurira kuBeitbridge asi pari zvino vave kugara kuHighfield, muHarare, vanotsanangura nezvetsika yekusagusa vhudzi kusikarudzi vachiti ivo vakakura vachiitevedzera.
Ngatizvinzwirei Mai Mararike vachitaura:

“Munoona kuti inyaya yekuti vanasikana vazhinji kunzvimbo dzakadai havaende kuchikoro, saka vanoitiswa zvose-zvose. Ini ndakakura kusvika makore hamheno ndisina kugusa. Tainzi kuti vhudzi rekwakavandika risaite rasta taishandisa matombo anomara pakugeza apo taikwesha richidambuka. Ukarega kudaro rairembera, waizogerwa nemurume anenge akuroora sezvandakaita ini.

“Nyaya yekuti madzimai arege kugeza kusvikira varume vadzoka, nanhasi uno iriko, vanhu ivavo vechiShangani vanokoshesa chivanhu netsika dzavo zvakanyanya nekuti ukatadza kudzitevedza unenge uri chitukiso munzvimbo.

“Seni ndakazoenda kuchikoro chekushandira kuNew Jersey, kuChipinge, sezvo mwanasikana aisaendeswa kuchikoro. Vanakomana vainzi vanofanirwa kuenda kuchikoro kuti vazoshanda vatsvage pfuma kuti vakwanise kuroora.

“Kunyangwe ini ndakapinda mazviri hudzvinyiriri, ivo varume vangapedze kana svondo chairo here vasina kugeza? Unoita honye uchifambaka, inzvimbo inoda kugara yakachena.”

Vanoti kumatunhu ane vanhu vanoteve dzera tsika idzi kune varume vakawanda vanonoshandira kunze kwenyika aekuSouth Africa, saka iyi inzira yekuti madzimai avo asasare achiita gumbo-mumba gumbo-panze.

“Murume kana anogarisa, mudzimai wake anoenda kuhanzvadzi dzevarume, madzitete, uko anonokumbira kuti apihwe mvumo yekugeza kunhengo uku. Madzimai aya anoperekedzwa nanatete vaviri kana vatatu vonogeza vakatariswa kuti havana kushereketa here.”
Tsika idzi, vanodaro Mai Mararike, dzinofanirwa kuregedzwa zvachose nekuti hadzina kunaka.

“Vanhu vakuru variko kunzvimbo idzi havadi kuti zviregwe nekuti vanoti kuzvisiya kurasika zvachose mutsika dzechivanhu chekwavo. Asi kana kuchikoro wani kune gadziridzo (corrections). Yakwana nguva yekuti vanhu verudzi rwangu vechiShangani tisiyane netsika iyi.”
Vanoti mamwe madzimai anotobatsirwa nekuisa machira kunhengo dzakavandika asi vazhinji vave kungogara vachikumbira kumadzitete kuti vapote vachigeza zvichifambirana nekuwirirana kwavo.

VaGeorge Kandiyero, avo vakafanobata chigaro chemukuru wesangano redzin’anga, reZinatha, vakatsinhira kuvako kwetsika idzi idzo dzavanoti dzakananga kuchengetedza kuti madzimai akaroorwa asasherekete nevamwe varume.

“Tsika iyi iriko kurudzi rwemaShangani vanogara kuChiredzi kuMasvingo, kuChipinge kuManicaland, nedzimwe nzvimbo dzekuMatebeleland. Murume kana asipo, angava aenda kubasa kana kunobvakacha, mudzimai anogeza muviri wese asi kunhengo dzakavandika achisiya kusvikira baba vadzoka.

“Hazvina mhosva kuti vanonoita mwedzi mingani kana makore mangani, kunozogezwa kana baba vadzoka, avo vanosvikotanga nekuita zvebonde vogutsikana kuti hakuna zvaiitwa nemudzimai wavo ivo vasipo,” vakadaro VaKandiyero.

Kunze kwerudzi rwechiShangani, vanoti kune mamwe marudzi anozviita kunyika dzakaita seMozambique, South Africa, Swaziland, Lesotho neBotswana.

“Mutsika iyi, mune mishonga yechivanhu inoshandiswa nevarume vacho, kusiya vapinga madzimai avo kuti vasasangane nevamwe varume. Hazvingoitwa chete,” vakadaro VaKandiyero.

Vakataurawo nezvevanasikana vanonzi havagere vhudzi iro vakati rinozobviswa kana varoorwa, nevarume vanenge vavabvisira pfuma bedzi.
“Iyo nyaya yekuveura vhudzi rezasi ichokwadi, izvi zvinoitirwa kuchengetedza vanasikana. Kana ukaroorwa wava nemakore 30 kana 40 okuberekwa ndipo parinozogerwa naiye murume anenge akuroora. Panguva iyi, madzitete emusikana vanenge vamire kunze kwemba vachipururudza, iye achiguswa nemurume wake,” vakadaro.

VaCasemore Darare (45), avo vanova sachigaro weZinatha kudunhu reManicaland, vanotiwo tsika idzi dzine vashoma vachiri kudzitevedza kumatunhu akaita seChipinge, Chiredzi neBeitbridge.

“Izvi hazvina chakaipa, kuchengetedza dzimba newanano yavo. Madzimai aya haaite izvi nekumanikidzwa asi itsika dzavo. Zvekuti utsanana zvimwe izvo nekuti kare kwaiendwa kuWenera (South Africa) murume achinopedza makore ariko. Mudzimai aisara akadaro pasina kugeza achiziva kuti baba vari kubasa. Varume vaidzoka vachiwana misha yavo yakabatana,” vanodaro VaDarare.

VaKhumalo Musebenzi vekuMidlands vanoti kune vamwe vachiri kutevedzera tsika idzi.
“Nekuda kwemachechi nechirungu, vazhinji havachazviita, kwasara vashoma asi zviriko nekuti ini ndinofamba nzvimbo zhinji. Izvo zvekuti zvinokonzera zvirwere kana madzimai aya asingageze kusvikira panouya varume vavo handingazive,” vanodaro.

“Zvinonzi kana mukadzi akageza anenge ageza ‘luck’ (mhanza) murume oshaya basa kana kutadza kubata mhuka kana ari muvhimi. Iyi mishonga inoshandiswa kana nevamwe vanamuzvinabhizimisi vanhasi.”

Vanoti kuburikidza nemhiko idzi, vakadzi vakatsaudzira varume vavo vanogona kusangana netsaona dzekutsikwa nemotokari, kudyiwa nezvikara zvesango kana kurumwa nenyoka.

“Nhasi zvakare zvinoitwa paine mhiko dzekutsvaga mari dzinenge dzawiriranwa pakati pemukadzi nemurume,” vanodaro VaMusebenzi.
Panyaya yekusaveura vhudzi rekusikarudzi, vanoti itsika yekuchengetedza vanasikana kusvikira vawanikwa.

Zvisinei, VaThemba Daniel (49) vekwaMurewa vakashora tsika iyi vachiti ine huchapa.
“Madzimai anoda kuti kunzvimbo iyoyo kugare kwakatsvinda, ehe itsika dzedu asi zvimwe zvacho tinofanirwa kusiyana nazvo. Pane mamwe madzimai kana varume vacho vanogara naye sei mukadzi akadai nekunhuwa?” vakadaro VaDaniel.

Tendai Chingondi (35) wemuHarare anoti tsika iyi ndihwo hudzvinyiriri hwekugumisira.

Share This:

Sponsored Links