Mufakose Express yosimudzira vechidiki

30 Mar, 2018 - 00:03 0 Views
Mufakose Express yosimudzira vechidiki Zabron Murombedzi

Kwayedza

Abel Ndooka
CHIKWATA chemhanzi cheMufakose Express chemuHarare chinoti chakazvipira kusimudzira matarenda evaimbi vechidiki vanobva munzvimbo iyi.

Mufakose Express – iyo yakavambwa mugore ra1995 –  kusvika parizvino yakwanisa kubura madambarefu maviri anoti Kumadokero mugore ra1997 kozoti Mambakwedza iro rakaparurwa gore rino.

Mutungamiri wechikwata ichi, Zabron Murombedzi, anoti munzvimbo yeMufakose muzere nevaimbi vakawanda saka vazhinji vacho vanoshaya mukana wekutsikisa mhanzi nekudaro vakavamba chikwata ichi nechinangwa chekusimudzira matarenda evaimbi vechidiki.

“Muno muMufakose vaimbi vazere uye vamwe vari kushaya kwekutsikisira mhanzi yavo saka isu takauya nezano rekuumba chikwata chedu ichi kuti tisimudzirane. Vese vanoridza muchikwata ichi zvizvarwa zvemuMufakose chete uye zvicharamba zviri zvemuMufakose nekuti chinangwa chedu kusimudzira nzvimbo yeMufakose,” anodaro.

Murombedzi anoti kunyangwe zvazvo chikwata chavo chichiridza Sungura vachange vachiita mashoo nevamwe vaimbi vemisambo yakasiyana inosanganisira Zim-dancehall, Jazz, chitendero, hip-hop neR n B.

“Parizvino tiri kutsikisa Sungura asi hatisi kuzomirira ipapo chete, tine vamwe vanoimba mimwe misambo yemhanzi uye tiri kuvabatsira kuti mhanzi yavo iende kure, isvike kuvatsigiri vavo,” anodaro Murombedzi.

 

Share This:

Sponsored Links