Uncategorized

Mufundisi akatorwa nenjuzu

20 Jul, 2018 - 00:07 0 Views
Mufundisi akatorwa nenjuzu

Kwayedza

MUFUNDISI wechechi yepositori yeSt Peters Apostolic, kwaMurehwa, anonzi akafa apo akanogezera padziva rinoyera iro rinonzi rafira vanhu vakawanda vachitorwa nenjuzu.

Shepherd Jana (41) wemubhuku raTayengwa, kwaMusami, mudunhu raMambo Mangwende, anonzi akany’udzwa nenjuzu muchidziva chiri murwizi Gomo Chikuvanyanga apo aigeza nesipo ari oga.

Vanotaura vanoti njuzu hadzifarire sipo kana mafuta anonhuwirira.

Pazofa murume uyu, anonzi ainge amboita mazuva mana achinamata uye audza imwe hama yake kuti, “. . . ndarota guva rangu, pakati pangu newe pane achafa”.

Hanzvadzi yemushakabvu, Juliana Jana (34), anoti rufu urwu rwavashamisa zvikuru.

“Shepherd akadarika nepano pamba pedu achienda kunhamo, ndokuzobva ave kuenda kurwizi uko akanokumbira tauru nesipo zvekugezesa kumuramu wake Priscilla. Akabva ananga kurwizi ari oga kunogeza, zvakazoitika hapana anoziva sezvo isu takarara tisina kumuona tichiti aiva kunhamo kwaiva nevamwe vemumusha,” anodaro.

Juliana anoti rechimangwana racho, vakaswera zvakare vachiti Shepherd aingova kunhamo.

“Vadzimai vake ndivo vakazoti vainge vasina kumuona kunhamo, ndokuzonzwa kuti kurwizi kwaingova nembatya dzake nesipo bedzi. Ndizvo zvakaita kuti vanhu tizonoona zvakanga zvaitika.”

Juliana anoti vanhu vemumusha vakaenda kurwizi apo vamwe varume vaivepo vakapinda mudziva rinoyera iri ndokuwana mutumbi waShepherd urimo, wakaita zvekumira asi pasina chaive chakautsigira uye akapfumbata zvibakera semunhu anoda kurwa.

“Varume vakaburitsa mutumbi wehanzvadzi yangu vanosanganisira Bothwell Nduru, Godfrey Johannes naTapfumanei Nduru avo vose vakashamiswa nemamiriro aiva akaita mutumbi wake,” anodaro.

Juliana anoti dziva iri rinoyera uye pariri panogara pachionekwa njuzu nevanhu vachena avo vanozongonyangarika.

Shepherd, anodaro Juliana, akafa apo vakanga vachangopedza mutambo wesadaka wakaitwa mumusha mavo.

“Tsaona iyi yakaitika amai vasipo, vaenda kuhurwere hwababa vavo kwaMutoko. Vakazodzoka vachiwana mwana kusisina.

“Nyaya yenjuzu iripo asiwo ndinoti hanzvadzi yangu akazonobatwa nenjuzu abva kumba akaberekeswa mweya yakaipa,” anodaro.

Juliana anoti mutumbi wehanzvadzi yake waisava wakazara mvura mudumbu sezvinoita zvitunha zvevanhu vanofira mumvura.

Mai Danisile Mvuto (61), vanove amai vaShepherd, vanoti vakashamiswa kunzwa nezvekufa kwemwana wavo.

“Ndakaenda kumusha kwangu kwaMutoko kuhurwere uye ndagumisira kumuona kunhamo yemumusha muno. Mashoko anongoti akaenda kudziva rinozivikanwa kubva kare kuti rine njuzu. Mwari ndivo vanoziva kuti mwana wangu akatorwa nei,” vanodaro.

Mudzimai wemufundisi uyu, Rosemary Karima (33), anoti anofungira kuti murume wake akaita zvekutinhwa nemamhepo kuenda kudziva iri nekuti nguva dzose aisigezera pamba.

“Ndakazoshamiswa kunzwa kuti mbatya dzemurume wangu dzawanikwa kudziva uku. Kana iri njuzu yakamutora, pane mhepo dzaakadirwa. Aisanwa doro nekuti anga achitova mukuru wechechi,” anodaro.

Mbuya Annah Chitemerere (68), avo vanga vari tete kumushakabvu, vanotiwo vari kushushikana nezvakaitika.

Kuchiti Mai Sarah Black (61), vanga vari amainini kuna Shepherd, vanoti havasi kugutsikana nefiro yake sezvo vaine fungidziro yekuti akadirwa mamhepo nevapenyu.

Sahwira wemhuri yekwaJana, Mai Agnes Gonzo (56), vanoti zviri pachena kuti Shepherd akatorwa nenjuzu.

“Mutumbi wake unoita seairwiswa nekuti aiva akapfumbata zvibhakera, akaisa mawoko pamberi pechipfuya zvinoita munhu achirwa. Toti zvino airwa nemvura here?” vanodaro.

Maria Shoriwa (46), muzukuru kuna Shepherd, anoti mafiro yasekuru vake haina kujeka.

VaGodfrey Johannes (51) mumwe wevazukuru vekwaJana uye avo vakabatsira pakuburitsa mutumbi waShepherd mudziva vanoti nzvimbo yakafira murume uyu inoyera. “Sekuru vakatorwa nenjuzu nekuti patakapinda mumvura takawana mutumbi wakamira kuita semunhu mupenyu. Zvakare, mvura yacho haina kuwanda zvekuti mungafire munhu.

“Pane vanhu vaviri vakambotorerwa mafoni panzvimbo iyoyi nechinhu chavasina kuona vakaashaya zvachose. Mumwe akauya kuno kudziva iri ndokutanga kuwacha tarauzi rake achida kuti azoriyanika ozoripfeka, akaritorerwa ndokudirwa mvura kumeso akatiza asina kupfeka. Akatozoshevedzera vamwe vanhu vakamuvigira rimwe bhurugwa rekupfeka ari musango,” vanodaro.

Vamwe vanhu vanonzi vanotorerwa sipo padziva iri uye zvinofungidzirwa kuti aya mabasa enjuzu.

Zvichakadai, pakawanikwa mutumbi waShepherd zvinonzi mbatya dzake dzaive dziri kwadzo, shangu dziri kumhiri nesipo iri kwayowo.

“Mvura yemudziva iri inobuda mubako. Tine vanhu vakawanda vakatorwa nenjuzu pano, kusanganisira mwana mudiki. Mumwe mukomana aiva akagara zvake anonzi akapotsa awidzirwa mudziva iri nenyuchi,” vanodaro VaJohannes.

Dziva rakafira mufundisi wechechi uyu rinonzi haripwe mvura, kana dai kukasanaya zvakanaka.

“Vanhu vaiva vaisa mapindu avo pedyo nerwizi urwu vaiona tuvarungu mangwanani kana zuva rodoka tunonzi twaishevedza vana vadiki,” vanodaro.

Asati asangana netsekwende iyi, Shepherd anonzi ainge audza VaJohannes kuti pakati pake naivo pane anogona kufa mumazuva mashoma aitevera.

“Andiudza kudaro semunhu wandinopinda naye chechi yeSt Peters Apostolic, uye tose tiri mafundisi, ndakamuti hatinamatei. Saka akazviporofita rufu rwake,” vanodaro.

Sabhuku wemusha uyu, VaBothwell Gomo havana kuonekwa neKwayedza kuti vataure nezvenyaya iyi.

Imwe nyanzvi yezvechivanhu kuChitungwiza, VaThomas Yakiti Mukunguta (49), vanoti nzvimbo ine dziva iri inofanirwa kuitwa chivanhu kuti njuzu idzi dzisarambe dzichitora vanhu.

“Zvinoratidza kuti njuzu idzi dzine hasha, pane zviri kukanganiswa. Murume uyu akatoitwa zvekushevedzwa, hatizivewo kuti akaparei kubviswa kwese kwaaive kunosvika kurwizi uku,” vanodaro.

 

Share This:

Sponsored Links