Mufundisi chimbonyararaiwo kani

21 Nov, 2014 - 00:11 0 Views

Kwayedza

CHIMWE chezvikonzero zvinouyira vanhu kuchechi kuti vakwenywe pari kuvavava. Vanhu vazhinji havasisina hama neshamwari dzekutaura nadzo zvakadzama. Kana vaine hama, dzinenge dzichigara kure, uye kutaura kwepafoni hakuna hunhu zvakare kunodya nekupedza mari. Saka nekuda kwaizvozvo, vanhu vazhinji vanoenda kuchechi kwete kuti vanonzwa shoko ramufundisi chete, kana kuimba kwakanaka. Vanhu vanoenda kuchechi nekuti vari kutsvaga angavanzwewo, angavadewo, angangotaurawo navo, angavanyaradze pamwe chete nekuvasimbisa.
Vanhu havadi kungonyeredzwa neshoko rekuti zvako zvichaita nezita raJesu, asi mufundisi vasiri kutaura kuti zvako zvipi zvacho. Hazvisi zvese zvinoda minana!

Nekuda kwekuti chechi dzazara programme dzemari nezvimwe zvinhu zveadministration, tave kuona kuzadziswa kweshoko raMwari rinoti, “Rudo rwevazhinji ruchatonhora.” Unoona munhu achienda kuchechi, asi hapana munhu anomugamuchira akataura naye zvinhu zvinotarisirwa kuti zvitaurwe. Munhu anodawo kubvunzwa kuti amai munonzi ani? Munogara kupi? Mune mhuri here? Munoshanda here? Makanga muchinamata here kana kuti matotanga izvozvi? Nyaya iripo haisi yekuti isu nemachechi edu tive tinoudza vanhu zvatiri namufundisi wedu kusvikira nzeve dzemunhu auya kuchechi dzazara nezvinhu zvedu chete. Tinofanirwa kuzivana, kudanana nekutaurirana.

Nyaya iyi haisi yevaenzi vatanga kuuya muchechi chete, asi inyaya inobata nyangwe vanhu vagara varimo. Ivo vacho vari muchechi havazivane. Kune vanongoziva kuti kana vakange vachienda kuchechi, vane kona yavo yavanosvikogara, kana vagara vomirira kuti chechi itange. Kwavari, chechi ndizvo zvinhu zvavakajaira kuti ndizvo zvinoitwa. Kunamata, kuimbira Mwari, kunzwa mharidzo, kubvisa mari nekuenda kumba. Asi chokwadi chiripo ndechekuti vanhu vazhinji muchechi vari kutsvaga anovazivawo nekuti kana wauya kuna Jesu nyika haikufarire. Nyika inenge ichida kuti uide nekuiwanira nguva nezvinhu zvayo.

Vamwe vanhu vakaedza kutaura nevamwe vanhu kuti vanhu ivavo vavazive, unogona kuona vanhu vavari kutaura navo vave kutofamba vachienda. Kune vamwe vanenge vachida kutaurira mumwe munhu muchechi chimwe chinhu chiri kuvanetsa, kuti vamwe vagogona kuziva semhuri yaJesu kuti ndiro dambudziko rine mumwe wedu, asi vanhu hatisisina nguva, rudo neshungu dzekunzwa kuti amai nhingi vanonetseka nemwana wavo anorwara nechirwere chekupunzika. Chechi haisi yekuti mufundisi vangotaura chete kusvikira vanhu vadhakwa, asi vanhu vacho vavari kutaura navo vaine zvinhu zvinoda kuti mumwe munhu angonzwawo.

Jesu aive mudzidzisi, asi nguva zhinji tinonzwa vanhu vachienda kwaari kunotaura nyaya dzavo. Kungowana anokuteererawo kunopodza.
Vanhu vazhinji vanoparidza nyaya yemurume akaremara weBhetisaidha wekugara makore makumi matatu nemasere (38 years) achitangirwa nevamwe kupinda mumvura kana mvura ichinge yabvongodzwa. Murume uyu anonzi nevanhu akapindura zvisiri izvo. Jesu akamubvunza kuti, “Unoda kuporeswa here?”

Nyaya iripo haisi yekuti murume uyu akatadza kupindura mubvunzo, asi aishaya mumwewo munhu angangonzwawo nyaya yake. Aidawo munhu wekuudza zvinhu zvakanga zvichiitika kwaari kwemakore 38. Kutaurira mumwe munhu zviri kuitika muhupenyu hwako, uye munhu wacho wauri kuudza okuteerera unotori mushonga mukuru kwazvo.

Vanhu vazhinji vaiudza Jesu nyaya dzavo. Chaiita kuti Jesu ave hama yakanaka, kuteerera. Nesu tiri busy mumazuva ano atiri kurarama, asi kana tikange tisina nzeve nemwoyo zvekupa vamwe vari pakati pedu nevari kuuya kuzonamata, hatisi kunamata. Uye, mufundisi havasi ivo vanofanirwa kutaura nevanhu vese vanenge vari muchechi, asi ngavabatsire kuti pave nevanoona kuti hama nevaenzi vauya muchechi vanzwa kugamuchirwa, uye kuti nyaya dzavo dzanzwikwa. Uye, handisi kuti manikidzai vanhu kuti vataure, asi muchechi ngamungova nerudo rwekuti kutaurirana kunongoitika kwega.

Share This:

Sponsored Links