Muimbi orongera pairesi

27 Apr, 2018 - 00:04 0 Views
Muimbi orongera pairesi Shepherd “Professor” Chitapa akabata dambarefu rake idzva.

Kwayedza

Muchaneta Chimuka
MUIMBI wechidiki ari kusimukira mumusambo wechitendero – Shepherd Chitapa (27) – uyo anozivikanwa nezita remadunhurirwa rekuti Professor – anoti vaimbi vanofanira kushandisa nzira dzechizvino-zvino dzakadai  sedandemutande (internet) mukutengesa nziyo dzavo kuitira nhubu dzinoda kutengesa mabasa avo pamusika wemukoto nepairesi.

Professor – uyo achangobva kubura dambarefu rake idzva rechitatu rinonzi Tawanirwa Nyasha – anoti ari kuritengesa padandemutande pamwe nedzimwe dzinzira dzechizvino-zvino dzinosanganisira panharembozha. Dambarefu rake idzva iri rine nziyo nomwe dzinoti Chegumi, Kana Toyambuka Jordan, Daidzai Jesu, Chipo, Ndipei Tariro, Tawanirwa Nyasha naZvawakabata.

“Dambarefu iri ratova pamusika uye ndinotarisira kuzobikisa vhidhiyo racho munguva pfupi iri kutevera. Ndiri kutengesa dambarefu rangu idzva iri ndichishandisa ruzivo rwechizvino-zvino rweindaneti. Tikadaro nyaya dzekubiwa kwemabasa edu sevaimbi nenzira yepairesi dzinoderera sezvandiri kuona zviri kuitika kwandiri. Takakwanisawo kunyoresa nemakambani makuru kuitira kuti titengese nziyo dzedu panharembozha chaipo iwo achitora chimwe chikamu chemari isu tichipihwawo chedu,” anodaro.

Anoenderera mberi achiti, “Isu vaimbi vachiri kusimukira hatisati tava nemukurumbira saka kana tikaronga mashoo tinoona achipindwa nevanhu vashoma nekuti hatisati tashambadzwa zvakanyanya. Nokudaro ndiri kutarisira kuzoita mamwe mashoo angu ayo tichange tichiita mavhidhiyo ndiine vamwe vaimbi vane mukurumbira vakadai saOliver Mtukudzi naJah Prayzah. Ndinovimba veruzhinji vachanakirwa zvikuru nekudya kwenzeve nemeso kwatichavapakurira.”

Professor anoti anoimba nziyo dzechitendero sezvo aine chishuwo chekuparidza shoko raMwari kune veruzhinji.

“Baba vangu mutungamiriri wekereke uye ini ndinofarira zvekunamata izvo zvakaona ndichipinda muchikwata cheCorner Stone Bible Academy uye ndiri kutarisira kuzova Pastor saka ndicharamba ndichiimba nziyo dzakawanda dzechitendero nekuti chinangwa changu ndechekuponesa mweya yevazhinji kuti vakwanise kuzoona umambo hwedenga,” anodaro.

Anoti mukambo kake kanonzi Chegumi kari padambarefu rake idzva akabatsirwa naTrymore Bande.

“Murumbo urwu tiri kukurudzira vatendi kuti vange vachipa chegumi kuitira kuti mabasa aMwari aendeke zvakanaka mumakereke. Makereke edu anoda kuramba achivakwa nekutengerwa midziyo yekushandisa yakadai sezvigaro zvakanaka, kupendwa nezvimwe saka zvese izvi zvinobva kuvatendi,” anodaro Professor.

Muna Kana Toyambuka Jordan anoti anenge achitsanangura kuti kana munhu atanga rwendo rwechiKirisitu anenge aine mikana yakawanda yekusangana nemiyedzo asi anogona kuikunda chete kana akapira zvose kuna Mwari.

Professor anoti mukambo kake kanonzi Zvawakabata anenge achitsiura vamwe vanhu vanosanganisa chinamato nekubata-bata mishonga yakaipa kana kuita mabasa erima achivakurudzira kuti vanofanira kusiyana netsika iyi.

Zvakadai, mamwe madambareru maviri aakaimba mumakore adarika anoti Nenyasha naZvinogoneka.

 

Share This:

Sponsored Links