‘Mukadzi anoda kundibaya nebanga’

05 Sep, 2014 - 09:09 0 Views

Kwayedza

Arnold Kaseke
SAMUSHA wekugarooneswa ndondo nemukadzi waakarambana naye akazonopotera kudare achiti anoda kubaiwa nebanga.
Godfrey Rozhani akaenda kuHarare Civil Court achida kudzivirirwa kubva kuna Telmore Jera.

“Ini nemukadzi wangu takagara tese kwemakore asi takazorambana gore rapera nekuti mukadzi wangu uyu anogarondishaisa rufaro uyezve ane pamuromo. Tiri muco-operative imwe chete inoita nezvekuwanisa vanhu pekugara saka iye anoti takabatsirana kuvaka imba yangu asi inhema.

“Anosvika pamba pangu kunge anogarapo, orova mukadzi wangu obva aburitsa banga achida kundivhiya. Ndanga ndichikumbirawo kuti mukadzi uyu asatsike pamba pangu uyezve asagare achindishungurudza pese patinopesana mumigwagwa,” akadaro Rozhani.

Jera haana kuuya kudare.

Mutongi Gamuchirai Siwardie akapa Rozhani gwaro redziviriro ndokuti Jera haabvumidzwe kusvika pamba apa kana kumushungurudza nenzira ipi zvayo.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>