Uncategorized

Mukadzi azvara gudo…Nyamukuta akatiza . . .Riri benyu, rine mvere -Aya mashura: Mambo

27 Mar, 2015 - 00:03 0 Views
Mukadzi azvara gudo…Nyamukuta akatiza . . .Riri benyu, rine mvere -Aya mashura: Mambo

Kwayedza

GUDO
Kingstone Mapupu

MUSHURE mekuita mwedzi mipfumbamwe akatakura mimba uye achitarisira kusununguka mwana wake wechitatu, mukadzi wekwaChireya, kuGokwe, akazozvara gudo. Mambo Chireya nevemhuri yakaitika mashura iwaya vanoti aya mabasa evaroyi asi vachiri kutsvaga chaicho chakakonzera izvi.

Mai Cheredzai Mudhe (39), anova mudzimai wechipiri waCephas Madziyauswa (40), vemubhuku raGoremusandu vari kuti nguva pfupi yadarika vakazvara gudo mushure mekunge mimba yavaive vakatakura yasvika nguva yekusunungukwa.

Mudzimai uyu anoti akarwadziwa nepamuviri sezvaingosiitika pamimba dzevana vake vaviri vekumashure. Apo aitarisira kubata mumawoko mwana wake wechitatu, akavingwa nezvaaisafungira – nyamukuta aimubatsira akavhunduka mushure mekuona kuti aisununguka gudo.
Manenji aya atenderedza misoro yevagari venzvimbo iyi vari kuziva nezvawo.

Mai Mudhe vanoti pamuviri apa paiva pechitatu sezvo vaine vana vaviri uye vaitoendawo kusikero kukiriniki yeko mudumbu ravo muchitamba sezvinoita kana muine mwana mupenyu.

“Ndakabata pamuviri apa nguva imwe chete naamaiguru, Junior Katandika (38), vanova mukadzi mukuru wemurume wangu. Dambudziko rakazotanga ndasvitsa mwedzi mina apo pairwadza zvekunge pachaparadzika (pachabva). Ndakazonyoresa kukiriniki yeKadzidirire pamuviri apa pasvika mwedzi misere,” vakadaro Mai Mudhe.

Vanoti kukiriniki uku vainotariswa asi vakoti vachiti vaisaona musoro wemwana uyu zvisinei kuti mudumbu mavo maitamba-tamba sezvinoita kana muine mwana mupenyu.

Apo mwedzi mipfumbamwe yakanga yasvika, vanodaro Mai Mudhe, vakazotanga kurwadziwa pakati peusiku kusvika kunze kwaedza apo kwakashevedzwa mbuya nyamukuta.

“Nyamukuta akashevedzwa apo murume wangu naamaiguru vaivapo. Mbuya nyamukuta pavakada kuita basa ravo rekugashira mwana vakazoshamisa vanhu apo vakasvetuka voita nhendeshure vaona gudo richibuda. Vose vaivamo vakadawo kutiza. Amai ava (nyamukuta) vaingoshevedzera kuti aisava mwana aibuda,” vakadaro.

Gudo iri vanoti rakawira pasi roga pakusununguka uku apo mbuya nyamukuta vakazoita chivindi chekunobata mhuka iyi, iyo inonzi yaifemera kure-kure.

“Guvhu regudo iri kana kuti chimupanzi raiva rakareba zvikuru uye zvose zvaiva mubutiro. Chaiva nezviwoko zvakakokonyara segudo chairo, nzeve dzacho nemhanza uyewo chaiva nemvere.

“Zvose zvakaita gudo, ndiye mwana wandakazvara wegudo mufunge,” vakadaro.
Mudzimai uyu anoti ichi chishamiso chikuru muupenyu hwake sezvo ave kutya kuita mumwe mwana zvakare.

“Chinhu ichi hachina kuchema kana kupfakanyika, chaingobuda ropa nemvura uye chichifemera kure kure. Chakazotorwa nevakuru, vaisanganisira murume wangu, chikanovigwa mugomo riri pedyo nerwizi mushure mekunge paitwa chivanhu,” vakadaro.

Mai Mudhe vanoti vakazofamba nemurume wavo kumaporofita vakanotaurirwa kuti aiva mabasa evavengi, zvichinzi vaive varoyiwa kuti vazvare mhuka.

Vahosi VaMai Mudhe, Mai Katandika, vakatsinhirawo chiitiko ichi vachiti:
“Taiva nepamuviri panguva imwe chete, ivo (mainini) ndivo vakatanga kusununguka ini ndikazotevera. Ini zvangu handina kuita dambudziko.
“Isu tinongoti kuroyiwa, takazofambawo nababa tikazviwana. Takanzi zvakaitwa nevavengi.”

Vahosi ava vanoti nekuda kwechiitiko ichi, vave kuzeza kuita vamwe vana sezvo vasingazive zvinozoitika.
Madzimai maviri aya ava nemakore matanhatu vachigara pachipari uye havana chakaipa chavanofungirana nekuda kwenyaya iyi.
Kwayedza haina kukwanisa kutaura naVaMadziyauswa nekuda kwemashura aya sezvo pakashanyirwa nzvimbo iyi vakawanikwa vafamba rwendo.

Muramu waMai Mudhe, Simbarashe Madziyauswa (35), anoti zvakaitika kumudzimai wemukoma wake manenji chaiwo.
“Ini ndakashevedzwa kumba amaiguru varwadziwa nepamuviri pakati peusiku. Takararako kusvikira vakazosununguka mhuka iyi kuma9 kana kuma10 mangwanani. Ichokwadi raiva gudo chairo, kubvira kumawoko, makumbo, huma yacho, nzeve, mvere nezvimwe zvose.

“Mbuya nyamukuta vanonzi Mai Betty vakatiza apo vakaona mhuka iyi yave kubuda. Vakatya kuchitambira chikawira pasi ivo vatosvetuka kunomira kure,” akadaro babamudiki uyu.

Anoti vakazoshevedza sabhuku wavo, VaSolomon Kariya Tsandu, nemutevedzeri wavo VaHenry Gambagamba, vakazvionera mashura aya.
Simbarashe anotiwo semhuri havana kufadzwa nenyaya yakaitwa nemukoma wake nemadzimai ake yekufamba voga kumaporofita vachisiya vamwe vavo.

“Taiva takagadzirira kuti tinozvinzwira semhuri. Zvino takazongonzwa kuti mukoma nemadzimai avo vakatofamba kare, vamwe tisipo,” akadaro.

Mambo Chireya, VaHenry Chireya (46), vakatsinhira nyaya iyi vakati zvinoda kuti mhuri iyi igofamba kuti vatsvage zvakakonzera izvi.
“Inyaya yakasvitswa kudare rangu mudzimai uyu azvara gudo. Hazvina kumbobvira zvakaitika mudunhu rangu izvi. Kunyange vakafamba zvavo voga, ini sashe ndinoda kuti musha uyu uchenurwe, zvinonakira ivo pane kuti vagare vari murima,” vakadaro mambo ava.

Mumwewo mugari wenzvimbo iyi, VaHandson Dhimuri (45) vekwasabhuku Kufazvinei, vanoti nyaya iyi inoratidza huroyi hwepamusoro mudunhu iri.

Gudo imhuka inogara musango uye mwana wacho, sezvinongoitwa wetsoko, anonzi rushiye. Gudo rume rinonzi horomba, hombiro, ngondi kana kuti mombo uye gadzi richinzi mboyi, gonyo kana kuti mamutindi.

KUBEREKA gudo-27/03/15
CHEREDZAI Mudhe
Junior Katandika
Cheredzai naJunior
Mambo Chireya
Cephas Madziyauswa
Imba
Simbarashe Madziyauswa
Handson Dhimuri
Gudo

Share This:

Sponsored Links