Uncategorized

Mukadzi ‘chembere’ oda twake

17 Dec, 2014 - 08:12 0 Views

Kwayedza

Orpah Mukotekwa
MURUME wekugarosvotesa mudzimai wake achimuti haachamuda nekuti achembera akazochechuka amiswa mudare redzimhosva.

Linda Rushwaya akaendesa aimbove murume wake, Jephson Rushwaya, kuHarare Civil Court achida mari yekuriritira vana vavo.

“Ndauya kudare kuti rindibatsire kuti baba ava vandichengete ini nemhuri yavakandisiira. Ndiri kudya nhoko dzezvironda nevana ivo vachifara zvavo nekundisvotesa nemumwe mudzimai wavakazoroora mushure mekuona kuti vandichembedza ndangova hari yofanzirofa.

“Ini handichagona kuzvishandira nekuti ndakwegura. Vana vanoda chikafu nemari yekuendeswa kuchikoro asi baba ava vanoona zvakakodzera kudzidzisa mudzimai wavo vachikanganwa mhuri. Kutaura kuno mudzimai wavo ava mudzidzisi kuburikidza nekudzidziswa naivo baba ivava.

“Baba ava vanotambira mari yevana yechikoro inopihwa ma‘war veteran’ asi mari iyoyo vanoidya nekamukadzi kavo kavakazoroora. Chiri kundirwadza kuti vana vangu havasisiri kuenda kuchikoro.

“Saka upenyu hwavo hwemangwana hunenge hwakamira sei?” akadaro Linda.

Akati anoda $300 yekuchengeta vana.

“Izvo zvekuti haana mari yaari kuwana manyepo sezvo achitambira mari yepenjeni. Zvese zvaari kuti ane ma’loan’ ndezvake, ini chandiri kungoda chete kuti andipe mari yekuchengeta vana,” akadaro Linda.

Achipawo divi rake, Jephson akapikisana naLinda achiti:

“Amai ava mari yavari kuda yakawandisa handikwanise. Ndava pamudyandigere, saka mari handimboiwani.

“Handirambe kuchengeta mhuri asi mari handina. Ndiri kushamiswa nemashoko ari kutaurwa naamai ava ekuti ndinodya mari yevana yechikoro anova manyepo nekuti mari yacho dzimwe nguva inonoka kuuya.

“Ivo amai ava ndakavaudza kuti vandipe ma’receipts’ evana vechikoro kuti ndikwanise kuenda kwatinopihwa mari yema‘war veteran’ asi havasi kuzvida. Vanongorwadziwa chete nekuti ndakaroora mumwe mukadzi mudzidzisi. Dai zvaibvira dare randiti ndibhadhare $50.”

Mutongi Tafadzwa Muvhami akati nyaya yevaviri ava yaizodzokera zvakare mudare.

Share This:

Sponsored Links