Uncategorized

Mukadzi dzvii . . .aine muswe wedzvinyu munyoro

20 Apr, 2018 - 00:04 0 Views
Mukadzi dzvii . . .aine muswe wedzvinyu munyoro Muswe wedzvinyu

Kwayedza

Kingstone Mapupu naJanet Chari
MURUME wechidiki wekwaNeuso, kuMhondoro, anoti akasangana “neshura” muhomwe yerokwe remudzimai wake —maiva nemuswe wedzvinyu munyoro — uye kubva ipapo, sikarudzi yake inombony’ura mumuviri asi kana yobuda, dzinenge dzava nhatu-nhatu.

Kudakwashe Ndaba (31) — uyo pari zvino ari kugara kuBandali, kuIron Duke Mine iri kuMazowe — anoti atambura nedambudziko rakatanga apo akabatikidza mudzimai wake aine muswe wedzvinyu “chipotanemadziro” muhomwe dzake.
“Ndinotanga nekurwadziwa nemudumbu zvikuru, sikarudzi yobva yany’ura. Ndinotadza kufamba apo chiuno changu chinenge chakaoma kuita sedombo, pashure sikarudzi yangu yodzoka — asi zvava zvitatu. Kana ndimiwo, makamboona kupi shura rakadaro?” anodaro Kudakwashe.

Kudakwashe Ndaba

“Izvi zvakatanga 2010 nanhasi. Kana dai sikarudzi idzi dzichibuda dziri nhatu, imwe chete ndiyo yekurasisa mvura. Panguva iyi, ndinenge ndichidikitira zvikuru,” anodaro.

Kudakwashe anoti dambudziko iri rakatanga apo aive nemudzimai wake — uyo waakazorambana naye — akamuwanikidza aine muswe wedzvinyu munyoro muhomwe yerokwe rake.

“Haana kukwanisa kutsanangura kuti aiushandise chii. Kubva ipapo, kunze kwekuny’ura sikarudzi ichizodzoka dzava nhatu, ndinotemwa nemusoro zvakanyanya.”

Kudakwashe anoti akashaikirwa naamai asi baba vake, VaDenny Ndaba, vapenyu uye vari kuBulawayo.
Anotizve dzimwe hama dzake dzakundikana kumubatsira padambudziko iri, “vamwe vanototi ndini ndakaromba”.

“Izvozvi handina kuhama kwekugara, kwandaenda vanonditi ibva pamba pedu nekuti wakaromba. Vamwewo vanonditi ndinopenga. Ndashaya chaiye angandibatsire, asi kune mumwe chiremba wechivanhu ari kundishandira pachena,” anodaro Kudakwashe.

Anoti ane jambwa rekupomerwa mhaka dzaanenge asina kupara uye ane fungidziro yekuti rushambwa urwu rwuri kukonzerwa nemuswe wedzvinyu waakasanganidzana nawo.

Vakaita mwana mumwe chete nemudzimai waakarambana naye uyu.
“Ndakawanana nemudzimai uyu mugore ra2007. Pandakamubvunza nezvemuswe uyu kuti aida kuushandisei, akatadza kundipa mhinduro. Ndakazoenda nemuswe uyu kuna amaiguru mukoma wake uko vakasvikonditi ndinoshusha zvikuru.

“Amaiguru ava vakandibvutira muswe wedzvinyu uya ndokubva vatiza nawo zvese nemudzimai wangu, ini ndikasara ndakangovayeva,” anodaro Kudakwashe.

Anoti kubva ipapo ndipo paakatanga kutadza kuenda kuchimbuzi uyewo nhengo yake ndokutanga kuny’ura mudumbu dzichizobuda dzava nhatu nhatu.

Kudakwashe anotizve panenge pakany’ura sikarudzi yake, ndipo paanonyanya kunzwa kuda mudzimai.
“Ipapo ndinonzwa kuda bonde zvakanyanya ndichiita dzungu. Pazvinobuda handizozvinzwa, zvinobva zvanyarara. Asi kubva pandakasiyana nemukadzi wangu mugore ra2010, handina kuzomboshereketa nemunhukadzi kusvika izvozvi.”

Kudakwashe anoti ari kuenda kuchimwe chipatara chiri muHarare asi chirwere chake hachizi kuonekwa.
“Vanhu vaimbofunga kuti ndine ‘sick’ (njovhera) asi haina kuonekwa. Ndiri kunzi ndirambe ndichienda kuchipatara asi mari yacho handina,” anodaro.

Votaura pamusoro pezviri kuitika kumurume uyu, imwe nyanzvi yezvechivanhu, Sekuru Elisha Mutanga, anogona kunge akaiswa rukawo kana kuti runyoka rwekamba kana rwehozhwa.

“Akashandisirwa rukawo rwehozhwa kana rwekamba zvinoita kuti nhengo yake ipote ichiny’ura nekubuda dzawanda. Kamba kana hozhwa inony’udza musoro mukati nekuburitsa kunze zvinova izvo zviri kuitika kwaari,” vanodaro.

Vanoti muswe wedzvinyu munyoro uyo Kudakwashe akaona uine aimbova mudzimai wake unogona kunge waive mupfuhwira uye zvichida wakapinduka ukashanda zvisizvo.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>