Mukadzi ‘okanikwa’ nezvipanera

21 Aug, 2014 - 00:08 0 Views

Kwayedza

Arnold Kaseke
ZVIPANERA zvinozivikanwa nekuitiswa mabasa akaita sekugadzirisa motokari kana magejo. Asi mumwe mukadzi akaendesa murume wake kudare achiti anogara achimutuka nekumuvimbisa kuti achamuuraya nezvipanera.
Lovemore Chaziya akamhan’arirwa kuHarare Civil Court nemukadzi wake, Hazel Isa, achida gwaro rerunyararo.

Isa akaudza dare kuti: “Ndave kutogara ndichitya kuti murume achandiuraya nerimwe remazuva. Anoti anoda kundigadzirisa nezvipanera zvaanoshandisa kubasa kwake. Anogara achindiudza kuti anoda kundikanika nemascrew driver nezvipanera zvake.

“Ini ndinoita basa rekugadzira misoro yevanhu kuMabvuku uye vamwe vandinogaroruka havachatodi kurukwa neni vachitya kuti zvimwe rimwe zuva vanozobatanidzirwa kana murume auya kuzondikanika.

“Hatichagara tese asi anouya kumba kwangu usiku achiita ruzha izvo zvisingafadzi vavakidzani vangu.”

Chaziya akapokana nemashoko aive ataurwa nemudzimai wake.

“Ndinosvika kumba kwake ndichida kuona vana vangu chete. Asi iye anondirambidza ondidzinga pamba pake, ndiko kusaka ndichizoenda kubasa kwake.

“Handisati ndambomutuka kana kumushungurudza. Anonyepa uyezve anotopisa musoro kudarika mishonga yaanoshandisa kugadzira misoro yevanhu kubasa kwake. Ini chandinoda inguva nevana vangu chete,” akadaro.

Mutongi Barbara Masinire akati Chaziya asashungurudze Isa asi mukadzi uyu anofanira kumubvumira kusvika kumba achiona vana vake.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>