‘Mukadzi wangu anoda kundidhedha nebanga’

21 Dec, 2017 - 00:12 0 Views

Kwayedza

Gamuchirai Muzanenhamu —
MUMWE murume ari kuchema-chema mudare redzimhosva achiti ashaiswa rugare neamboiva mudzimai wake uyo waanoti akambomubatira banga achida kumudhedha naro.

Blessing Tasiyana akamhan’arira Blessing Mushayatsango kuHarare Civil Court achiti amuonesa chitsvuku.

“Changamire wangu, ndiri kuda kuti mudzimai uyu amiswe kuuya kumba kwangu achindituka nekutaura mashoko asina kufanira. Ini naiye takaramba uye ndatova nemumwe mudzimai saka ngaasiyane neni,” anodaro Tasiyana.

Anoenderera mberi achiti anotya Mushayatsango nekuti pavaigara vose akambomubatira banga achida kumucheka naro.

“Ndinomutya mukadzi uyu nekuti pataigara tose takambonetsana akasvika pakundibatira banga,” anodaro.

Tasiyana anoti ane fungidziro yekuti Mushayatsango achiri kudanana nemurume waaimbova naye vasati vasangana.

“Anenge achiri kudanana nemurume wake wekutanga nekuti anoda chaizvo kuenda kumusha kunova ndiko kune murume iyeye,” anodaro.

Mushayatsango anoudza dare kuti iye naTasiyana havana kurambana.

“Chingoripo ndechekuti haachade kuramba achichengeta mwana wedu, ndokusaka ave kuda kunditsvagira tunyaya twekuti ndakadzokerana nemurume wangu wekutanga zvinova zvekunyepa,” anodaro Mushayatsango.

Anoenderera mberi achiti haasi munhu wemhirizhonga.

“Handisi munhu anofarira zveruzha, murume wangu ndinomuremekedza.”

Mutongi Larzin Ncube akarasa chikumbiro chaTasiyana nechikonzero chekuti haana kupa umboo hwakazara hwekuti ari kushungurudzwa sei naMushayatsango.

Share This:

Sponsored Links