Uncategorized

‘Mukadzi wangu uyu ipfambi’

10 Apr, 2015 - 00:04 0 Views

Kwayedza

Garnet Zvimba
MURUME wekuendeswa kumatare nenyaya yekusariritira mwana wake akati zviri nani kuti agare nemwana uyu sezvo amai vacho, uyo aimbove mukadzi wake, ari pfambi yemakoko uye ane katsika kekumbosiya mwana oga achienda kumafaro.

Michael Harifundika akataura mashoko aya muHarare Civil Court mushure mekunge amhan’arirwa naYimbiso Chipato uyo aida $150.

“Changamire, ini ndiri mwana wechikoro hakuna kumwe kwandinowana mari yekurera mwana. Kukura kwemwana kusvika paari, rubatsiro kubva kuhama dzangu. Iye munhu anowana mari nekuti anotova nemotokari mbiri dzose dziri muzita rake zvino ndipo angatadze here kuchengeta mwana?” akadaro Chipato.

Harifundika akaudza dare kuti anoda kugara nemwana wake oga sezvo Chipato ari pfambi yemakoko.

“Ishe wangu, ini ndakanga ndati nditore mwana ndichengete sezvo mukadzi uyu iri pfambi. Amai vake chaivo vakasvika pakundifonera vachiti mwana haana anochengeta anopinda mumba pakati pehusiku kana mambakwedza.

“Nguva yadarika ndakatozonotora mwana kusango kuMbare kwavo kwavanoitira zvechipfambi. Mwana anongombereredzwa nenyika zvisina kana maturo. Zvinotova nani kuti ndirere mwana ndoga pane kuti agare nemukadzi iyeyu nemahumbwe aanoita iwaya, hazvina zvazvinobatsira,” akadaro.

Mutongi Trevor Nyatsanza akati Harifundika abvise $80 pamwedzi.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey