Uncategorized

Mukadzi wekurumwa nepinjisi: Vaverengi vofushunura zvimwe

13 Feb, 2015 - 09:02 0 Views
Mukadzi wekurumwa nepinjisi: Vaverengi vofushunura zvimwe MHOMHO yevanhu vaitaura pamusoro penyaya yaNyaradzo Musokeri nemurume wake Talent Musokeri kuZengeza 5 svondo rino

Kwayedza

MHOMHO yevanhu vaitaura pamusoro penyaya yaNyaradzo Musokeri nemurume wake Talent Musokeri kuZengeza 5 svondo rino

MHOMHO yevanhu vaitaura pamusoro penyaya yaNyaradzo Musokeri nemurume wake Talent Musokeri kuZengeza 5 svondo rino

NYAYA yemudzimai wekuUnit O, kuChitungwuza, uyo akabuda muKwayedza svondo rapera achiti aiitirwa hutsinye hwakadaridza nemurume wake wekusvika pakuswinywa nepinjisi uye kupotsa apfekerwa kamba mhenyu nekusikarudzi kwake, yokonzera mitauro kubva kune veruzhinji apo vamwe vari kumutsigira asi vamwewo vachireverera murume wacho.

Bepanhu rino svondo rapera rakaburitsa nyaya yaNyaradzo Musokeri (32), uyo anoti aigara achizvambaradzwa nesimbi muviri wose asina kupfeka pamwe nekumvonywa nepinjisi nemumure wake, Talent Musokeri (31).

Mukadzi uyu anoti akasvika pakuda kubviswa mimba yaainayo kamwana kachiita zvekudhonzwa nepinjisi uye akambopotsa apfekerwa kamba mhenyu nekusikarudzi kwake naTalent.

Talent akatomiswa mudare redzimhosva nekuda kwekushungurudza kwaaita Nyaradzo uye akatongerwa kupika jeri kwemwedzi misere.

Zvichitevera kubuda kwenyaya iyi, vaverengi vakapawo maonero avo.

Amai vaTalent, Mai Irene Musokeri (54), vepanhamba 24 Dendera kuZengeza 5 vakati kunetsana kwemwana wavo nemuroora kwasvika pakaipa zvekuti vave kuda zvavo kuti vaviri ava vasiyane.

“Muroora wangu aiuya achiti amai murume wangu anoputa mbanje asi nyaya yakazondinetsa ndeyekuti akazowanikidzwa nechikomba chinova shamwari yaTalent. Vaviri ava vaigara vakarwisana zvinozivikanwa,” vakadaro.

Vanoti vave kutyira mwana wavo kuti anogona kuuraiwa nezvikomba zvemuroora wavo kana vakaramba vari vose.

“Ini Talent mwana wangu, ibenzi asi ndinomuda, uyuwo Nyaradzo vabereki vake vanomuda nehupenzi hwake. Saka Talent achibuda mujeri haachadzokera kumba kwavo, anouya kuno.

‘‘Vabereki vaNyaradzo votorawo wavo hamheno kuti vanoda kuti arambe achigara ikoko (kumba kwake) here,” vakadaro Mai Musokeri.

Vanoti havarambe kuti mwana wavo Talent akapara mhosva yekushungurudza Nyaradzo.

Mumwe mudzimai akangozviti Mai Kunaka, wepanhamba 24 Dendera, kuZengeza 5, kunove ndiko kunonzi kwakakurira Talent naNyaradzo, anoti magariro anoitwa nevaviri ava anovarwadza.

“Zvakaitwa naTalent zvekurova mukadzi zvakaipa, asiwo pane nyaya yatinoshora zvedu inoitwa naNyaradzo,” akadaro.

“Talent nemukadzi wake vose vanoita zvemadrugs, vanonwa bhurongo nekuputa. Imwe nyaya yatinongonzwa ndeyekuti Nyaradzo ndiye akaunganidza mari yeroora rake.”

Kwayedza yakazokokwa nevamwe vagari vekuZengeza 5 avo vakanotaura shungu dzavo nekuda kwemagarisirano aTalent naNyaradzo.

Tendai Phiri (42) akati akakura nevaviri ava uye vakadanana vari vadiki zvikuru.

“Vaviri ava vakadanana Nyaradzo paaishanda kuGays and Lesbians Association of Zimbabwe (sangano rengochani) apo akatenga motokari Talent ndokutanga kupota achiityaira sezvo Nyaradzo ainge asina chitambi,” akadaro Phiri.

Tawanda Museyamwa (32) anoti dambudziko rakavapo apo Talent akarambidza Nyaradzo kuputa zvinodhaka.

Alexio Chimwanza (27) anoti vaviri ava vanoda kugarwa navo pasi vobatsirwa.

Mai Enetty Matika (61) vemunzvimbo iyi vanoti nyaya yevanodanana inonetsa nekuti vamwe vanhu vanogona kuti varambane asi vozonyara mangwana Talent naNyaradzo vaenderera mberi nerudo.

Vamwe vakataurwa navo vakuwasha vaviri vekwaMusokeri vanoti Chrispen Muchabaiwa (36) naGodfrey Mahita (30) avo vakati zviri kuitwa nevaviri ava zvinonyadzisa.

Kune tsamba mbiri dzinonzi Nyaradzo akanyora mazita ezvikomba zvake apo airohwa naTalent, izvo mudzimai uyu akaramba.

“Hongu ndakataura mazita evamwe varume apo aindimanikidza kuti ndaiva nezvikomba izvo zvakaitika achindirova uye zvose zvekuputa fodya nekunwa mabhurongo inhema,” akadaro Nyaradzo.

Akaramba zvakare nyaya yekunzi ndiye akabvisa mari yakanobviswa naTalent seroora.

Asi Nyaradzo akabvuma kuti akashanda kuGalz asi ndokuramba kuti Talent aive mutyairi wake kana kuti vakambosevenza vose kusangano iri.

 

Hezvino zvimwe zvakatumirwa kuKwayedza nevamwe vaverengi pamusoro penyaya iyi:

Mutongo wakapihwa Talent Musokeri mushure mekunge azvambaradza mukadzi wake, Nyaradzo Musokeri, nesimbi, kumutswinya nepinjisi uye kuda kumupfekera kamba mhenyu wekuti agare mujeri kwemwedzi misere haunyatsorwadza. Ndinoshuvira kuti kudai nyaya iyi yaongororwa zvakare. — Muverengi mukuru weKwayedza, Shumba paNtabazinduna.

* * *

Murume wekuruma mukadzi wake epinjisi ngaavharirwe mujeri kwenguva yakareba nekuti akachimbidza kubuda haarwadziwe. Imhondi. — Hwihwo, Manyame.

* * *

Murume wekuzvambaradza mukadzi ngaavharirwe mujeri nekuti anogona kuzogumisira amuuraya. — 0714 057 073.

* * *

Kana tikasekerera zvakadai Nyaradzo tinomuviga, murume uyu anoita kunge muSatanist anotorera vana vavamwe kuvashungurudza. Dai iri hanzvadzi yake iri kunzwarwo ainzwa sei. – Valentine Amos Zimbizi.

* * *

Talent Musokeri imhondi chaiyo.– 0779 068 447.

* * *

Mwedzi misere yakatongerwa Talent mishoma sezvo aifanirwa kutongerwa makore mashanu mujeri. – 0774 337 896.

* * *

Ndaverenga nyaya yaNyaradzo naTalent Musokeri, marwadzo ngavasiyane zvavo nekuti upenyu hautengwe. Kana wafa watofa zvachose hama. – 0773 194 843.

* * *

Semaonero angu Takent ane hutsinye husingaite uye haagarike naye. Ndakatarisa nyaya iyi zvekare Nyaradzo ngaasatendera mwoyo wake kudzokerana nemurume uyu nekuti anofira mahara. – Mazivisa Special.

* * *

Panyaya yaNyaradzo chinondirwadza ndechekuti haana kuda kubuda pachena kuti murume uyu achiri kumuda here kana kuti kwete. Maonero angu ndeekuti Talent mwedzi yaakatongerwa kupika mujeri kana ndichitarisa mhosva yaakapara mishoma. – 0773 579 512.

* * *

Mukadzi anonzi aida kupfekerwa kamba ngaasiyane nemurume uyu. — Febiola chibaira, Glenwood Park.

* * *

Panyaya yemukadzi anonzi aida kupfekerwa kamba ini ndinoti muchato wavo ngauparare zvawo.

Muchato yemazuva ano angova mapepa chete. – 0773 274 899.

* * *

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey